Accessibility links

Breaking News

Zambia Yorambidza Magonyeti Kushandisa Zambuko reVictoria Falls Kutanga Muna Kurume


Zambia inoti haichabvumidzi magonyeti kushandisa Victoria Falls Bridge kubva musi wa 1 Kurume.
Zambia inoti haichabvumidzi magonyeti kushandisa Victoria Falls Bridge kubva musi wa 1 Kurume.

Zambia yazivisa kuti kutanga musi wa 1 Kurume, 2021, inenge isisabvumidzi magonyeti kuti ashandise mugwagwa unopfuura nepazambuko re Victoria Falls.

Zambia inoti yatora danho iri senzira yekuchengetedza zambuko iri uye kuti vashanyi vasavhiringidzwa neruzha rwunobva kumagonyeti aya apo vanenge vachiona mapopoma eVictoria Falls.

Kubva musi uyu, magonyeti anenge ava kushandisa bhiriji re Kazungula, iro riri pamuganhu weZambia ne Botswana.

Mukuru wesangano reZimbabwe Union of Drivers And Conductors, VaFredrick Maguramhinga, vaudza Studio 7 kuti zviri kuda kuitwa neZambia zvichaisa vatyairi nemakondikita pakaoma nekuti uye mutengo wekutakura zvinhu uchikwidzwa, izvo zvichakonzera kukwidzwa kwemitengo yezvinhu.

Munyori mubazi rezvekutakurwa kwezvinhu, VaThedius Chinyanga, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo richiri kutarisisa zvataurwa nehurumende ye Zambia, naizvozvo havakwanisi kutipa pfungwa dzavo panyaya iyi pari zvino.

Asi VaMaguramhinga vanoti vanotarisira kuti hurumende ye Zimbabwe ichaita hurukuro nehurumende yeZambia pamusoro penyaya iyi, vachiti dano ratorwa ne Zambia richakonzerawo kuti Zimbabwe irasikirwe nemari yemitero sezvo magonyeti aya anenge asisapfuure nemuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG