Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba veKodzero Voendesa Hurumende kuMatare Pamusoro peNzvimbo Dziri Kuchengeterwa Vanhu Munguva yeCoronavirus


Nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika dzinonzi hadzina hutano hwakakodzera zvoita kuti dzityise munguva ino yekukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi.
Nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika dzinonzi hadzina hutano hwakakodzera zvoita kuti dzityise munguva ino yekukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwasvika pazana nemakumi manomwe nevasere kana kuti 178, vafa vachiri vana uye vapora vari makumi maviri nevapfumbamwe kana kuti 29.

Vanhu vari kubva kunyika dzakaita seSouth Africa, Botswana neBritain kunyanya ndivo vari kunzi vari kubatwa nechirwere ichi.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi munzvimbo dzavari kuchengeterwa idzi kana kuti quarantine centres, ndiko kwapa kuti rimwe sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rakabatana nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, riendese hurumende kumatare richiti iri kuisa hupenyu hwevanhu vari munzvimbo idzi panjodzi.

Sachigaro vesangano iri, Doctor Fortune Nyamande, vanoti sangano ravo ratora danho iri mushure mekuona kuti vanhu vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19 vanhu vari munzvimbo dzi, zvinoreva kuti vari kutapurirana chirwere ichi munzvimbo dzavagere idzi.

Doctor Nyamande vanoti hurumende inofanirwa kuwanisa vanhu ava zvikwanisiro zvakakwana, sezvo vanhu ava vari kunzi havana mvura yakakwana uye vari kugara vakamanikidzana, vasiri kupana mukaha sezvinokurudzirwa kuti vanhu vasatapurirana chirwere ichi.

Nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika idzi dzinonzi hadzina hutano hwakakodzera zvoita kuti dzityise munguva ino yekukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi.

Vamwe vanonzi vari kutiza kubva munzvimbo idzi nekuda kwemagariro avari kumanikidzwa kuti vaite.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi mana nezviviri kana kuti 142, 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica.

Vashaya vanonzi vadarika zviuru zvina, kana kuti 4,000. Vaporawo vanonzi vanodarika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, kana kuti , 59,000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni matanhatu, kana kuti 6 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa necoronavirus.

Vanhu vafa pasi rose vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi manomwe, kana kuti 370, 000 uye vapora vave kudarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG