Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights razivisa nezvekushaya kwenhengo yaro, uye vakambove sachigaro webhodhi resangano iri, Doctor Rutendo Bonde.
Mukuru wesangano iri, VaCalvin Fambirai, vanoti Doctor Bonde vashaya mambakwedza vari kuChegutu mushure mekurwara kwengu ndefu.
VaFambirai vanoti sesangano, varasikirwa zvikuru nekushaya kwaDoctor Bonde, sezvo vanga vari chiremba anga achishanda zvakasimba kumuona kuti varwere vabatsirwa zvine chiremerera.
Vanoti hurongwa hwavanga vave nhawo panguva yataenda pamhepo hwanga huri hwekuti vanhu vachaungana kuChegutu neChipiri manheru vachiita munamato, Doctor Bonde vozoradzikwa neChitatu kumarinda eGlen Forest muHarare.
Doctor Bonde vasiya mwanakomana mumwe chete. Vanhu vakaungana kumba kwavo kwakare kuChegutu.
Facebook Forum