Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero Oshora Hurumende Mabatiro Airi Kuita Madhokotera


VaEmmerson Mnangagwa vakadzinga basa vanachiremba makumi manomwe nevanomwe.

Zvichitevera kudzingwa basa kwemadhokotera makumi manomwe nemanomwe mushure mekuwanikwa aine mhosva yekuzvidza mutongo wedare re Labor Court wekuti vadzokere kumabasa avo, sangano revanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti hurumende haina hany'a nevanhu kana hutana hwavo.

Munyori wesangano iri, Dr. Evans Masitara, vaudza Studio7 kuti zvebhajeti zvakataurwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, zvinoratidza kuti hurumende haina basa nevanhu kana hutano hwavo vachiti hurumende yaifanirwa kunge ichishandisa mari pazvinhu zvinorerutsa hupenyu hwevanhu uye mune zvehutano zviri kunetsa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vari kukurudzira hurumende kuti iremekedze madhokotera uye kuti igare pasi itaurirane navo zvakanaka nekuti zvichemo zvavo zviri pachena.

VaMavhinga vati hurumende isakanganwa kuti kuitira vanachiremba zvehasha hakubatsiri varwere uye kunokonzera kuti vanachiremba vatsvake mabasa kunyika dzekunze idzo dzakatovamirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG