Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Voyambirwa Kuti "Morning After Pill" Haridziviriri Kubatwa neHIV


Nyanzvi munyaya dzezveutano dziri kuyambira vanasikana kuti vasajairira kugaronwamapiritsi ekudzivirira kubata pamuviri anonzi pachirungu ma “emergency contraceptive pills,” asi kuti vashandise nzira dzekuronga mhuri kana voiita zvepabonde.

Mapiritsi ekudzivirira pamuviri aya anonwiwa mangwanani mushure mekunge munhu aita zvepabonde asina kuzvidzivirira nemakondomu.

Mapiritsi aya anonyanyozivikanwa nezita rekuti, “Morning after pill.”

Nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS, Amai Muchanyara Mukamuri, vanoti kunyanyoshandiswa kwema morning after pill kunongoratidza kuti vechidiki vari kuita zvepabonde vasina kuzvidzivirira.

Amai Mukamuri vanoti vechidiki vanonyanyotya kubata pamuviri pachinzvimbo chekuti vatye zvirwere zvepabonde zvakadai seHIV/AIDS.

Amai Mukamuri vanotiwo tsvakiridzo dzakaitwa dzinoratidza kuti kushandiswa kwakanyanya kwemapiritsi aya kunoita kuti vanhu vawedzere kusimba, kuita zvirwere zvakadai sema Ovarian Cysts nezvimwewo.

Chiremba vanoshanda nesangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Nicholas Wazadza, vanotiwo pamusoro pekuwedzera kusimba, mapiritsi aya akaramba achinwiwa, haazokwanisi kudzivirira pamuviri.

VaWazadza vanotiwo vanoyambira vechidiki kuti kunwa mapiritsi aya hakudziviriri zvirwere zvepabonde.

Doctor Moses Macheka, avo vanoshanda neZimbabwe National Family Planning Council, vanoti vanhu havafanirwi kushandisa nzira iyi senzira yekuronga mhuri.

Ma Morning after Pill anoshandiswa kudzivirira pamuvirikana anwiwa mukati memazuva matatu mushure mekuita zvepabonde pasina kushandiswa makondomu senzira yekuzvidzivirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG