Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vanoparura Zvakare Chirongwa Chinokurudzira Vamwe Vavo Kuvhota


Zimbabwe Elections

Sangano reNational Association of Youth Organisations nhasi raparura zvekare chirongwa cheLeave No Youth Behind 2023 icho chine chinangwa chekuwedzera huwandu hwevechidiki vachavhota nekukwikwidza musarudzo dza2023.

Vachiparura zvekare chirongwa ichi, icho chakamboitwa zvekare pasarudzo dza2018, mutauririri wechirongwa ichi, VaLiam Takurakanhenga, vati vachaita chirongwa ichi vasingashande nemapato ezvematongerwo enyika.

Vati chinangwa chavo ndechekuti vechidiki vabude nehuwandu hwavo musarudzo dza2023.

Vaenderera mberi vachiti vanhu vechidiki ndivo vakawanda munyika nekudaro vanofanira kuvhota kuti vagadzirise remangwana ravo.

Vati vachafamba munzvimbo dzese munyika, mumaguta, madhorobha nekumaruwa vachikurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota pamwe nekutora zvigaro musarudzo dza2023.

VaTakurakanhega vati vachashanda nemapazi ane chekuita nesarudzo akaita seZimbabwe Electoral Commission neRegistrar-General’s Office kuti arerutsire vechidiki kunyoresa kuvhota.

Ari kutungamira chirongwa ichi, Muzvare Lisa Mauwa, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chinokurudzirawo kuti vanhukadzi vechidiki vatorewo zvigaro musarudzo dzinotevera.

Vati musarudzo dzapfuura vechidiki zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana ndivo vakavhota chete uye vanoda kuti zvikamu makumi mashanu kana kudarika zvevechidiki zvivhote musarudzo dzinotevera.

VaTakurakanhenga vati kunyange hazvo vari kutambira zvigaro gumi zvakapihwa vechidiki muNational Assembly neConstitutional Amendment Number 2, vanoda kuti vechidiki vatorewo zvigaro mudare reSeneti.

Pari zvino munhu anofanira kuve nemakore makumi mana kuti apinde muSeneti uye makore gumi nemasere kuti apinde muNational Assembly kana kuve kanzura.

Chirongwa che #LeaveNOYouthBedhind2023 Campaign, chinouuya apo mamwe masangano akaita seZImbabwe National Students Union ari kuitawo zvirongwa zvekukurudzira vechiki vari muzvikoro zvepamusoro kuti vanyorese kuvhota.

Munyori muZinasu, VaTapiwanashe Chiringa, vaudza Studio 7 kuti vakatoparura chirongwa che#Students Decide 2023, apo vari kukurudzira nekubatsira vadzidzi kuti vanyorese kuvhota.

Zvikamu makumi manomwe kubva muzana munyika zvevanhu vese munyika ndevechidiki asi vazhinji vavo vange vasiri kuvhota musarudzo dzapfuura.

Mapato makuru munyika eZanu PF neMDC Alliance ari mushishi rekunyoresa nhengo nevatsigiri vawo kusanganisira vechidiki kuti vavhote muna 2023.

MDC Alliance iri kutarisira kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu, ukuwo Zanu PF ichitaririsira kunyoresa vanhu mamiriyoni mashanu kuti vavhote musarudzo dza 2023.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG