Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vochenesa Guta Ravo reChinhoyi


Mumwe weVechidiki, Muzvare Memory Godzwa, Votaora Pamusoro peChirongwa Chekuchenesa Chinhoyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:44 0:00

Mumwe wevechidiki, Muzvare Memory Godzwa, vachitaura pamusoro pechirongwa chekuchenesa Chinhoyi

Vechidiki vedzisvondo vari kubatana nekanzuru yeChinhoyi mukuchenesa guta ravo pamwe nenzvimbo dzinogara veruzhinji kuitira kuti vadzivirire zvirwere zvinobatwa nekuda kwemvura yakasviba.

Vechidiki ava vanosvika makumi mashanu, vachibva kumasangano akasiyana siyana, vakafamba vachinhonga marara pamwe nekubvisa tsvina munofamba nemvura kuti isajenge kana kuyeredza tsvina ichienda munzvimbo munotorwa mvura yekunwa nevamwe vanhu izvo zvinozokonzeresa kuti varware.

Mumwe wechidiki, Memory Godzwa, anonamata neApostolic Faith Mission, AFM, anoti apinda muchirongwa chekuchenesa nharaunda kuti adzivirire zvirwere muvanhu pamwe nekufa kwezvipuka zvinogara mumvura kana mvura yakasviba.

Mumwe wechidiki, Jonathan Manyere, uyo anonamata nechechi yeFaith Ministry mumusha unogara veruzhinji weChikonohono, anoti kuchenesa nharaunda kwevechidiki vedzichechi dzakasiyana vari pamwechete zvinosimbaradza humwe pakati pemachechi.

Mukuru wechirongwa chekuchenesa nharaunda, VaVisitor Munangi, vanoti vakaona kuti zvirwere zvinokonzerwa nekunaya kwemvura zvinowanda nekunaya kwemvura.

Mumwe wevakuru vemubatanidzwa wemachechi, Rev Andrew Chikomo, vanoti danho rakatora machechi rinoratidza pachena kuti machechi havatarise pane zvemweya chete, asi kuti vane hany'a nehutano hwenhengo dzavo.

VaMunangi vanoti chirongwa chekuchenesa nharaunda mutoro wevanhu vose nekudaro vachakoka vemamwe masangano asiri emachechi pamwe nevana vechikoro kuti vadyare pfungwa yekuita hany'a nekusviba kwenharaunda.

VaChikomo vanoti vachatanga kuisa pekurasira marara munzvimbo dzakawanda kuti munhu asafambe akabata marara kwenguva yakareba asati asvika pane bhini.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG