Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa Kwe Varairidzi Muzvikoro Kwave Kushatirisa Vadzidzi


Vana vechikoro vave kuda varairidzi vavo muzvikoro

Vana vechikoro vatangidza kuratidza kugununguna kwavo pamusoro pekusavepo kwevarairidzi muzvikoro.

Varairidzi vari pakumboramwa mabasa vachiti hurumende inofanirwa kutarisa nyaya dzemihoro yavo, pamwe chete nekuisa muzvikoro zvese zvinodiwa kudzivirira kupararira kwe coronavirus muzvikoro.

Dzimwe nhengo dzeparamende yevadiki, kana kuti Junior Parliament, nhasi dzinotarisirwa kutungamirira vamwe vadzidzi mukuratidzira muHarare, vachinyunyuta kuti kodzero dzevadzidzi dziri kutyorwa.

Umwe wevatungamiri wevadzidzi ava, ari nhengo yeparamende yevadiki inomirira Kuwadzana Central, Kumbirayi Freddy Mugayi, audza Studio 7 kuti vadzidzi vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise zvinonetsa pakati payo nevarairidzi kuitira kuti varairidzi vadzokere kuzvikoro sezvo vadzidzi vari ivo vave parumananzombe.

Mugayi ati vana vechikoro vave nenguva yakarebesa vasingaendi kuchikoro izvo zviri kukonzera kuti varasikirwe nenguva yekudzidza yakawanda uye yavasingazogone kudzora.

Mugayi anoti yave nguva yekuti hurumende ichiedza kuwirirana nevarairidza, achiti hurumende inofanirwavo kumbochifunga kuti zviri kuitika izvi zvirikuitei kuvadzidzi vadiki.

Mugayi anoramba mashoko anotaurwa nevamwe ekuti vechidiki vari kushandiswa nemapato ezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG