Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vechidiki Vokurudzirwa Kupinda Musarudzo


Muzvare Glanis Changachirere
Muzvare Glanis Changachirere

Sangano reInstitute for Young Women’s Development rinoti riri kushanda nemamwe masangano evechidiki mukukurudzira vanhukadzi vechidiki kumaruwa kuti vatore zvigaro zvematongerwo enyika musaruzdzo dza 2018.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti vakatanga basa iri zvichetevera musangano wavakaita gore rapfuura uyo wakaratidza kuti madzimai echidiki kumaruwa haana zvigaro mungava mumakanzuru kana muparamende.

Muzvare Changachirere vanoti madzimai aya anosangana nematambudziko akawanda akaita sekushaiswa mukana, mhirizhonga yezvematongerwo enyika nezvimwe uye ivo vari kuita basa rekuvadzidzisa nezvekodzero panyaya dzesarudzo.

Muzvare Changachirere vanoti kana madzimai aya akasadaro, anosarira munyaya dzebudiriro nekuti hapana anenge achisumdzira nyaya dzavo mumakanzuru kana muparamende.

Vanotiwo kunze kwemuparamende nemumakanzuru, madzimai echidiki anofanira kutora zvigaro zvehutungamiriri munzvimbo dzavanogara.

Muzvare Charity Chaturuka vesangano reZimbabwe Young Women for Peace Building vaudza Studio 7 kuti zviri kubuda pachena kuti madzimai echidiki ekumaruwa haana ruzivo nezvekodzeo dzavo.

Vanotiwo rimwe dambudziko rine madzimai nderekushaya mari dzekuti vatsvagise rutsigiro kana vachida kupinda musarudzo.

Mumwe wevechidiki, VaKudakwashe Makanda, avo vanoshanda ne Youth Initiative for Community Development Trust, vanotiwo vari kubatsira vechidiki vangave madzimai kana varume kuti vazive kodzero dzavo musarudzo.

Vati ichokwadi kuti kunyange vechidiki vakada kumira pasarudzo, nyaya yemari inonetsa uye panofanira kutsvagwa nzira yekuvapa mari dzekuti vapinde musarudzo.

Vanoti semamimiriro akaita zvinhu vane mari kana vanobva kumhuri dzakapfuma ndivo chete vane mikana yekupinda musarudzo.

Muzvare Changachirere vanoti pasi pechirongwa chavo che Her Right of Way Give Way Campaign vari kukuridzira hurumende, mapato ezvematongerwo enyika nemasangano anoshanda akazvimirira kuti apewo mukana kune vechidiki kuti vakwikwidze musarudzo dzinotevera.

Vanoti vanozviziva kuti izvi zvinogona kutora nguva asi pari zvino vari kuda kuti pazvigaro makumi matanhatu zvinopihwa madzimai zvisingakwikwidze muNational Assembly makumi matatu zvinofanira kupihwa vechidiki.

Mamwe masangano ari kushanda neInstitute for Young Women’s Development ndeanoti Zimbabwe Organisation for Youth in Politics, Platform for Youth Development, Plumtree Development Trust pamwe neMission To Live Trust.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG