Accessibility links

Breaking News

Rwanda Yobatsira Zimbabwe Nzira Dzinokwezva Mabhizimusi


Map of Zimbabwe

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzeku Rwanda dziri muZimbabwe umo dziri kupangana mazano nehurumende, pamwe nevemabhizinesi.

Nyanzvi idzi dziri kuita hurukuro nevakuru vakuru muZimbabwe vachitarisa nzira dzekuti Zimbabwe ingakwezva seyi vemabhizinesi vekunze.

Nyanzvi dzekurwanda dziri kushandisawo nhoroondo yadzo mukuona kuti pane zvingaitwewo here neZimbabwe.

Nyanzvi dzeku Rwanda dziri kutungamirwa nemukuru we Rwanda Development Board, Muzvare Clare Akamanzi, avo vakasvika mu Harare neChipiri.

Mutevedzeri wavo, VaEmmanuel Hategeka, vange vachitarisirwawo kusvika nhasi manheru ano.

Mmutungamuiiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanonzi vakakumbira mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, kuti vatume nyanzvi dzavo kuzobatsira Zimbabwe zvichitevera musangano wakaitirwa ku Kigali ukabuda nechibvumirano che Continental Free Trade Area.

Muongorori wezvehupfumi, uye vachishanda nesangano re Percycon Global Fund Managers, VaPersistance Gwanyanya, vanotiwo hazvina kushata kuti kuuye vamwe vekunze kuzobatsirana nehurumende yeZimbabwe asi ruzivo rwavari kuya narwo rwuzere munyika, asi harwuzi kungoshandiswa.

Vatiwo dai hurumende yagona kuitawo komiti inobatsira mutungamiriri wenyika nemazano ezvehupfumi hwenyika sezvinoita dzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG