Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisirwa Kuwana Mabhiriyoni Maviri Gore Rega Rega neMangoda


Va Mpofu vati hurumende iri kufara zvikuru nedanho rakatorwa ne KP nekuti mari iyi ichange ichienda kunomutsa zvinhu zvizhinji zvisiri kufamba munyika

Gurukota remighodhi, Va Obert Mpofu, nhasi vataurira vatori venhau mu Harare kuti Zimbabwe ichange ichiwana mari inosvika kana kupfuura mabhiriyoni maviri emadhora pagore rega rega kubva kumari ichabuda mukutengeswa kwemangoda.

Mashoko aya anouya mushure mekupihwa mvumo kwakaita Zimbabwe nezuro ne Kimberley Process kuti itengese pamisika yepasi rose mangoda aya isingaongororwe.

Va Mpofu vati hurumende iri kufara zvikuru nedanho rakatorwa ne KP nekuti mari iyi ichange ichienda kunomutsa zvinhu zvizhinji zvisiri kufamba munyika.

Va Mcdonald Lewanika ndivo mukuru we Crisis in Zimbabwe Coalition.

Va Lewanika vati KP inofanira kuramba yakatarisa Zimbabwe zvikuru sei kuti mauto abviswe zvachose kubva kwaMarange uye kuti masangano akazvimirira ega munyika apihwe mukana nehurumende paanodira kuita ongororo vasingambunyikidzwi.

Masangano akazvimirira mu KP anotiwo haasi kufara nekupihwa kwakaitwa Zimbabwe mvumo nezuro vachiti zvinhu hazvisati zvamira zvakanaka kwaMarange.

XS
SM
MD
LG