Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Imwe Nhomba yeCovid-19 Kubva kuChina neMusi weChipiri


Nhomba yeSinopharm
Nhomba yeSinopharm

Zimbabwe yave kutarisira imwe nhomba yemushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kubva kukambani yekuChina yeSinopharm nemusi weChipiri.

Hurumende yaimbenge yazivisa kuti mushinga uyu uchasvika munyika kutanga kwemwedzi uno.

Mumiriri weChina muZimbabwe VaGuo Shaochun vakazivisa nemusi weSvondo kuburukidza nedandemutande remuzinda wavo reTwitter kuti China iri kupa nyika yeZimbabwe imwe nhomba inosvika zviuru mazana maviri kana kuti 200 000.

VaShaochun vanoti ndege yeZimbabwe iyo iri kutarisirwa kutora nomba iyi yakasvika muguta reBeijing nneMuvhuro uye vatiwo ichatakura imwe nhomba yakatengwa neZimbabwe kubva kuChina.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakazivisa kuti Zimbabwe yakatenga nhomba inosvika zviuru mazana matanhatu kana kuti 600 000.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vanoti havana ruzivo rwekuti sei nhomba iyi isina kuuya nenguva yanga yakatarwa asi vati tibate mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro avo vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vakurudzirawo hurumende kuti itenge nhomba kubva kune mamwe makambani vachiti vanhu vanenge vari kuratidza kushaya chivimbo nenhomba yeSinopharm iyi.

Asi mukuru anoona nezvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agness Mahomva vanoti vari kufara nehuwandu hwevanhu vabayiwa nhomba kusvika parizvino vachiti vane chivimbo chekuti nyika ichasvika pairi kuda pekuti ruzhinji rubayiwe nhomba iyi.

Kuwanawo nhomba kubva kunyika dzakaita seAmerica kuri kunetsa nekuti nyika zhinji dziri kuda kutanga dzabaya vanhu vadzo dzisati dzafunga zvekutengesera dzimwe dzichiri kubudirira.

Dr Madzorera vanoti kunyange pakachinjwa mushonga dzidziso inofanirwa kupihwa kuvanhu kuti mishonga igamuchirwe nevanhu vakawanda.

Hurumende yakazivisawo kuti ine hurongwa hwekubaya varairidzi nhomba iyi kuitira kuti chirwere ichi chisakanganise nyaya yedzidzo.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri we rimwe sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure.

Asi VaMasararure vanoti hururmende inofanirwa kunyatsodonongodza mashandiro emushonga uyu pamwe nezvirwere zvaunogona kukonzeresa kuti vadzidzisi vatore danho rekubayiwa kana kuregera vaine ruzivo rwakakwana.

Bazi rezvehutano rakazivisa nSvondo kuti vanhu vabayiwa nhomba nyika yose vave zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana matatu anemakumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 36 359.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG