Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoramba Nhomba yeCovid-19 yeJohnson and Johnson Kubva kuAfrican Union


Hurumende yaramba kutambira nhomba yeJohnson and Johnson iyo yaida kupihwa nesangano nenyika dzakabudirira kuburikidza nesangano reAfrican Union ichiti haina matura anotonhorer ekuichengetera sezvino kurudzirwa.

Izvi zvinoteverawo mashoko kubva kuWorld Health Organization ekuti Zimbabwe neChad dzakarambawo kushandisa nhomba yeAstraZeneca.

Mutsamba iri mumaoko eStudio 7 munyori mukuru mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanga vakazivisa mukuru webhangi reAfrexibank iro riri kutengera nyika dzemudunhu reAfrica VaHumphrey Nwugo kuti nyika haina nzvimbo inotonherera zvinodikanwa yekuchengetedzera nhomba idzi kana dzikauya.

VaGuvamatanga vakaenderera mberi vachiti pamusoro pazvo nyika haina kugadzirira kurapa zvirwere zvinogona kubata vanenge vabaiwa nhomba iyi kana kuti ma side effects.

Studio 7 yayedza kutaura naVaGuvamatanga nezzvenyaya iyi asi vanzi vange vari mumusangano, tatumira mibvunzo kune chipangamazano chavo VaCosmas Mbambe pamwe nemukuru munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Doctor Agness Mahomva asi vange vasatiwo vapindura pataenda pamhepo.


Ongororo yakaitwa panhomba yeJohnson and Johnson nenyika dziri kuishandisa inoratidza kuti inokonzera kugwamba kweropa mune vamwe vanhu.

Mumiriri weChinhoyi muparamende uye vari chiremba Dr Peter Matarutse vanoti rudzi rwenhomba idzi dzinoda kuchengetedzwa panzimbo inotonhora zvakanyanya idzo dzisingawanikwe mudzvimbo dzakawanda munyika sezvo magetsi asingawanikwe nguva dzose.


Kuramba nhomba kwehurumende kunouya apo vanhu vakawanda vari kuti vari kutadza kubaiwa nhomba zvichinzi iri kushaikwa. Hurumende inoti nhomba dziripo asi dzinongoda kubviswa kunzvimbo
kwadzakawanda dzichiendeswa kusina.

Kusvika pari zvino hurumende yakawana nhomba dzeSinovac neSinopharm dzinosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe anemakumi matatu nemashanu kana 1,735 000 million, kubva kunyika yeChina uye imwe yeCovaxin kubva kuIndia.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Mutsvangwa vakazivisa masvondo maviri apera kuti nyika iri kutarisira dzimwe nhomba zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 kubva kuChina mwedzi uno.

Vanhu vabaiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga vave zviuru mazana matanhatu nemakumi masere nezvinomwe zvine mazana matatu nemakumi maviri nechimwechete kana kuti 687 321. Vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matatu nemakumi masere zvine mazana manomwe anemakumi masere nezvitanhatu kuti 380 786.

Izvi zvinoreva kuti nhomba dzashandiswa munyika yose dzasvika pamiriyoni imwe chete nezviuru makumi maviri nemakumi manomwe nesere, kana kuti 1 020 078.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, 10 million, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

WHO inoti Africa inoda nhomba mamiriyoni makumi maviri yeAstraZeneca mumavhiki matanhatu anotevera uye kuti vanhu gumi kubva muzana kuti vabayiwe, panodiwa imwe nhomba mamiriyoni mazana maviri kana kuti 200 million kusvika muna Gunyana.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG