Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemberera Zuva Rekuwana Kuzvitonga Kuzere


VaEmmerson Mnangagwa

Mhuri yeZimbabwe nemusi weSvondo yakapemberera makore makumi mana nerimwe yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti zvinhu zviri kufamba negwara kunyangwe hazvo vamwe vakawanda vari kuti vari kunonga svosve nemuromo.

VaMnangagwa vakatura mashoko avo ekupembera kuwana kuzvitonga kuzere kuState House muHarare pamberi pevanhu vashoma sezvo pari kutyirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakataura nyaya dzakawanda dzinosanganisira mamiriro ezvehupfumi, nyaya yeminda, matongerwo enyika uye kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakati kunyangwe hazvo Zimbabwe sedzimwe nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19, zvinhu zviri kuratidza kuti zviri mugwara rakanaka munyaya dzezvehupfumi.

VaMnangagwa vakatiwo hurumende yakaparura chirongwa chemakore mashanhu cheNational Development Strategy chinotarisirwa kupetwa muna 2030 mukuyedza kuvandudza hupfumi.

Vakatiwo hurumende yavo iri kugadzirisa matambudziko munezve kurima, kuti varimi vawane zvekushandisa vachibatsirwa nehurumende senzira yekupedza dambudziko renzara.

Vakatiwo zvimwe zviri kugadziriswa nehurumende yavo zvinosanganisira nyaya dzemagetsi nemafuta ekufambisa dzimotokari, migwagwa , madhamu, zvehutano, zvekufambisa zveveruzhinji , kuvaka madhamu pamwe nekupa masimba kumatunhu pasi pechirongwa cheDevolution chiri mubumbiro yemitemo yenyika nezvimwewo.

Mune imwe hurukuro nevatori venhau pamberi pemhemberero idzi, VaMnangagwa vashora mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vachiti ndivo vakakurudzira kuti zvirango zviwedzerwe.

Asi hurumende yeAmerica yakatobuda pachena kuti haisi kuzobvisa zvirango kusvika hurumende yaVaMnangagwa yamira kutonga nedemo zvinova zvinhu zvainge zvavimbiswa nehurumende kuti ichaita. Asi VaChamisa neMDC Alliance vanoti hondo iyi iri pakati peAmerica nevatungamiri vebato reZanu-PF vasingatevedzeri bumbiro remutemo.

Vachitaura neStudio 7, VaChamisa vati nyika ine matambudziko amakukutu uye havawirirane nemaonero aVaMnangagwa kuti iri mugwara rakanaka

VaChamisa vati zvimwe zvinoratidza kusasununguka kwenyika kushaikwa kwemari yenyika inoshanda pamwe nekupiwa kwemarezinesi ekutepfenyura kune avo vanotsigira bato reZanu PF chete

Vechidiki vebato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vakaitawo musangano nevatori venhau pamuzinda wavo weMorgan Richard Tsvangirai House vakakurudzira kuwaniswa mukana kwevechidiki munyaya dzebudiriro. Vakadzokororawo mashoko ekuti vanoda kuti munyika muve nekuyanana pakati pehurumende nevanopikisa.

Mumwe mugari wekuMasvingo Amai Sungano Zvarehwanashe vanotiwo havaoni sekuti hurumende ine hanya dzekuzadzisa zvishuviro zvekuzvitonga kuzere.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJeff Chaitezvi vatsigirawo vachiti kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kumbunyikidzwa kwevana veZimbabwe pamwe nekutambura kwakanyanya kunoita kuti veruzhinji zviratidzo zvekuti munyika hamuna rusununguko.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG