Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopedza Mazuva Maviri Pasina Afa neChirwere cheCovid-19


Zimbabwe March 26, 2020. REUTERS/Philimon Bulawayo
Zimbabwe March 26, 2020. REUTERS/Philimon Bulawayo

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti hakuna kana munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 zvichireva kuti ave mazuva maviri akatevedzerana munyika musina munhu afa nechirwere ichi.

Musi wa 26 Zvita gore rapera ndipo pange papedzisira nyika kuti ipedze zuva pasina munhu afa nechirwere ichi chauraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi matanhatu nevatatu kana kuti 1, 463.

Vanhu makumi matatu nemumwe ndivo vakabatwa nechirwere ichi nemusi weSvondo uye vose vakachitapurirwa munyika. Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nematanhatu ane makumi masere nemapfumbamwe kana kuti 36, 089.

Vanhu makumi manomwe nevatanhatu kana kuti 76 vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vanhu vapora kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru makumi matatu nemaviri zvine mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevatanhatu kana kuti 32, 666.

Vanhu vachiri kurwara chiuru chimwe chete chine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu kana kuti 1, 960.

Bazi rezvehutano riri kuendererawo mberi nekubaya vanhu nhomba kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Huwandu hwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vabayiwa nhomba yeSinopharm yakapihwa Zimbabwe neChina nemusi weSvondo hwakasvika pazviuru gumi nezvisere zvine mazana masere nemakumi mana nevatatu kana kuti 18, 843.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere kana kuti 3,8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vadarika zviuru zana nezvitatu zvine mazana mana nemakumi masere nevashanu kana kuti 103, 485

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti 3, 3 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1,8 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni zana negumi nemana kana kuti 114 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverrwa neIndia neBrazil.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu zvine gumi nematatu kana kuti 513, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemasere ane zviuru zvitanhatu kana kuti 28 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemana kana kuti 64 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG