Accessibility links

Breaking News

Munyika Mokurudzirwa Nhaurirano


ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kurudziro yepasi rose yekuti munyika muitwe hurongwa hwenhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimiririra nevanhuwo zvavo, yakanaka chose.

Mamwe masangano ari kukurudzira izvi iUnited Nations, Southern African Development Community, SADC, African Union nemapato ezvematongerwo enyika. Mubvunzo une vazhinji ndewekuti nhaurirano dzacho dzinofanira kutangira papi uye dzichinangana nezvipi?

Vamwe vanoti zvakaitwa munyika mugore ra2008 pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa pakati pe Zanu PF yaitungamirirwa naVaRobert Mugabe neMDC yaitungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai ndiyo nzira ingaburitse Zimbabwe mumatope.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Trust, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti mapato makuru munyika anoti Zanu PF ne MDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa anofanirwa kuti abvume kugara pasi nemamwe masangano anoshanda akazvimirira vobatsirana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG