Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodzipwa neZvikwereti


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kusabuda pachena kwehurumende panyaya yezvikwereti zvairi kutora kunze kwenyika kuchasiya nyika iri parumananzombe sezvo ichizotadza kupihwa zvimwe zvikwereti kana yoda kuita mabasa ebudiriro anoda mari yakawanda yekunze.

Zimbabwe inofungidzirwa kuti ine chikwereti chinodarika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora ekuAmerica munyika nekunze asi vamwe vanoti mari iyi inogona kudarika apa uye hapana anoziva kuti yakawanda yacho yakashandiswei chaizvo.

Dare reparamende rinofanira kuona mashandiro emari iyi riri kuti gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, havasi kurisuma sezvinotarisirwa nebumbiro remitemo yenyika.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemari dzehurumende, VaEdwin Mushoriwa, vanoti ichokwadi kuti komiti yavo yaodzwa moyo naVaNcube.

Mukuru weZimbabwe Coalition on Debt and Development, Amai Janet Zhou, vati zvakakosha kuti paramende izive zvizere nezvezvikwereti izvi.

Asi vachitaura kuBulawayo svondo rapera pamusangano wemasangano akazvimirira, mutevedzeri wemukuru mubazi rezvemari, VaJoseph Medzano, vakati hurumende yakazvipira kubuda pachena nezvezvikwereti uye yakatotanga kuburitsa magwaro acho kutanga muna 2018.

VaNcube vari kutiwo hurumende iri mugwara kushandisa mari iri mubhajeti pasina kukwereta.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Instituter of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvakakosha kuti hurumende itevedzere mitemo nekuti izvi zvinounza chivimbo kune vekunze vanenge vachida kushanda nehurumende.

Kuti nyika ipihwe chikwereti inofanira kunge yachenurwa nemakambani akaita seFitch, Moody’s kana Standard & Poor’s. Chimiro cheZimbabwe kumasangano aya hachina kumira zvakanaka.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati zvakakosha kuti hurumende ipote ichivhenekwa kana yotsika matama enzira nedare reparamende kwete kuti ingoita madiro aJojina.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vari mukuru we Coalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo bumbiro remitemo rinoti zvikwereti zvibude pachena nekuti kusadaro kukurudzira huori.

Chikwereti chenyika chiri kuramba chichiwedzerawo sezvo magwaro eReserve Bank of Zimbabwe ari kuratidza kuti nyika yakatora chikwereti chemabhiriyoni maviri nechidimbu kana kuti US$2,5 billion kubva muna Chikunguru gore rapera kusvika gore rino.

VeAfrican Forum and Network on Debt and Development, neZimcodd vanoti chikwereti ichi munongedzo wekuti hupfumi hauna kumira zvakanaka.

Kunyange hazvo Zimbabwe isiri kupihwa zvikwereti nemabhanga akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank, iri kukwanisa kuwana zvikwereti kubva kuChina Exim Bank neAfriexim Bank.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG