Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana Nedzimwe Nyika Mucherechedza Zuva reMadzimai


Mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai munyika nhasi abatana nemadzimai pasi rose mukucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Women’s Day.

Asi hurumende inoti iri kutarisira kuti ichazocherechedza zuva iri zviri pamutemo musi wa16 mwedzi uno.

Dingindira regore rino rakanangana nekukurudzira kuwaniswa kwemikana yakaenzana kumadzimai uye kuremekedzwa kwekodzero dzavo.

Gurukota rinoona nezvemadzimai Amai Sithembiso Nyoni vanoti hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yakwanisa kusimudzira madzimai munyika.

Asi mashoko aya apikiswa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMDC Amai Lynette Karenyi.

Ko mamwe madzimai anoonawo sei nyaya iyi? Mumwe mudzimai anorwira kodzero dzevanhukadzi, Amai Sungano Zvarehwanashe vati zuva ranhasi havana chekupemberera vachiti madzimai munyika havasi kusimudzirwa.

Kunyangwe hazvo bumbiro remutemo richikoshesa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, Amai Zvarevashe vati izvi handizvo zviri kuitwa vachipa munzaniso munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru wesangano re Women Action Group Amai Edna Musiiwa vati vanopemberera kuti kwave nemitemo munyika inosimudzira madzimai asi vakati chinoshungurudza kusatevedzwa kwemitemo iyi.

Amai Musiiwa vati zvinoshungurudza kuti kunyangwe munyaya dzezvehutano chaidzo madzimai haasi kukosheswa vakapa muenzaniso wekukwira kwemitengo yekunyoresa pamuviri zvisinei nekuti hurumende ine chiga chekuti vanhukadzi vane pamuviri vabatsirwe pachena kuzvipatara zvehurumende.

Mukuru weGender Commission, Amai Virginia Muwanigwa, vatsigirawo vakati nyika ine bumbiro remitemo rakanaka sezvo richipa mikana yakaenzana kuvanhurume nevanhukadzi.

Asi Amai Muwanigwa vati dambudziko guru munyika nderekuti mitemo inoenzanisa mikana iyi haisi kutevedzerwa.

Amai Muwanigwa vati seZimbabwe Gender Commission vari kukurudzira kuremekedzwa nekuzadzikiswa kwebumbiro remitemo yenyika nemunhu wese kuitira kuti madzimai munyika vawane kodzero dzavo.

Zuva remadzimai rave nemakore zana nemapfumbamwe richicherechedzwa. Vakatanga kucherechedza zuva iri ndevekuAustria, Denmark, neGermany musi wa 19 Chivabvu 1911. Madzimai aya airwira kodzero dzekuvhota, kushanda pasina rusarura nezvimwe.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG