Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reRunyararo Munyika Musina Kugadzikana


Zimbabwe yakabatana neMuvhuro nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekukurudzira runyararo pasi rose kana kuti International Day of Peace.

United Nations yakabuda nechisungo chekuti zuva iri richerechedza musi wa21 Gunyana gore roga roga paine kurudziro yekusimbaradza runyararo.

Dingindira regore rino rakanangana nekuunza runyararo vanhu vakabatana. Pazuva iri panokurudzirwa kuti vanhu vose vari kurwisana vambomira kwezuva rimwe chete.

Masangano akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights atumira mashoko kuvatori venhau achiti muZimbabwe zvichiri kunetsa kuunza runyararo nekuti vanhu vachiri kumbunyikidzwa. Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rakurudzira hurumende kuti ibvise mauto mumapazi ehurumende ayo ari kupomerwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Vachitaura neStudio 7, imwe nhengo yeNational Transitional Justice Working Group rinova sangano rakazvimiririra rinokurudzira runyararo Reverend Ray Motsi vati zuva ranhasi ririkupembererwa munyika musina runyararo.

VaMotsi vati zvakakosha kuti munyika muite nhaurirano dzinounza runyararo vakatiwo parizvino hamuna kubatana munyika sezvo vanhu vopatsanurana nekuda kwemapato ezvamatongerwo enyika avanotsigira.

Mukuru weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya vanotiwo zuva ranhasi harisina chiremera. VaMagaya vati kuti nyika iite rugare zvakakosha kuti kodzero dzeveruzhinji dziremekedzwe.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika vaudza Studio 7 kuti kune zvinhu zvakaitika munyika zvakarwadzisa vamwe uye zvisati zvataurwa nezvazvo zvinoita kuti kushaye rugare munyika sezvo vamwe vachigunun’una.

VaKika vati zvinhu izvi zvinosanganisira nyaya yeGukurahundi, kushungurudzwa nekuurawa kwevanhu panguva dzesarudzo, kupambwa kwevanhu nezvimwewo.

Vati kusasununguka kunoita vanhu kupa pfungwa dzavo nezvematongerwo enyika ndozvinobuditsa pachena kuti munyika hamuna rugare.

Hatina kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vati vanga vari mumusangano nguva yatavafonera vakati tivanyorere mibvunzo asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi vachitaura neChishanu pamusangano webato ravo, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati munyika hamuna matambudziko ose anotaurwa nevanopikisa. Vakatiwo havasi kuzokumbira vekunze kuti vapindire sezviri kudiwa nevanopikisa.

Mashoko aya ari kuuyawo panguva iyo South Africa iri kuti muZimbabwe mune matambudziko uye yakagadzirira kubatsira nyika samutongi gava.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanotiwo munyika mune runyararo nekuda kwehutunamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa, asi vanopikisa vanoti vari kutonga nechibhakera.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG