Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reMwanasikana


Zimbabwe neMugovera yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva rekukosha kwemwanasika kana kuti Internationl Day of the Girl vanasikana kuGlendale kuMazowe vachiti vanoda kupihwa mukana wekuti vawane dzidzo yakanaka kuti vagove neremangwana rakanaka.

Vachitaura pangungano range rakarongwa nemasangano anoshanda akazvimirira anoti Farming Community Education Trust (FACT) pamwe neSayWhat, vasikana vakawanda vakaudza Studuio 7 kuti panofanira kuve nemikana yakaenzana pakati pevasikana nevakomana vachiti pari zvino hapana mikana yakadai.

Mumwe musikana ati anonzi Faith ati anoshushikana kuti pane shamwari dzake dzakawanda dzakatorega chikoro nekuda kwekushaya mari.

Mumwewo musikana anonzi Chipo atiwo anoshushikana kuti pari zvino vanasikana munzvimbo mavo vanoita mabasa akawanda kudarika vakomana uye panoshaikwa mari mumhuri, vanasikana ndivo vanotadziswa kuenda kuchikoro.

Ati matambudziko akaita seiwaya ndiwo anoita kuti vanasikana varoorwe vasati vabva zera. MuZimbabwe mwanasikana mumwe pavatatu voga voga anoroorwa asati asvika makore gumi nemasere. Chipo awedzerawo kuti zuva remwanasikana rakakosha muhupenyu hwake nekuti rinomurangaridza kuti akakoshawo panyika.

Faith akaudzawo Studio 7 kuti International Day of the Girl Child izuva rakakoshawo chose nekuti zuva iri rinoshandiswa kuvadzora pavanenge vavekubuda mugwarwa.

Mutauriri weFACT, Muzvare Vivina Mugarisi, vanoti vashandisa zuva ranhasi kuzeya matambudziko akatarisana nevanasikana pamwe nekuti angagadziriswe sei.

Vanoona nezvekuchengetedzwa kwevana musangano reSayWhat, Amai Sipwe Kahuni, vanoti vakashandisa zuva iri kusimbisa vanasikana kuti vazive kuti vakakosha.

Zuva reInternational Day of the Girl Child rinocherechedzwa musi 11 Gumiguru pasi uye gore rino racherechedzwa pasi pedingindira rakanangana rekupa mwanasikana izwi kuti ataure uye kuva nemikana yakafanira muneremangwana rake kana kuti “My Voice, Our Equal Future.”

Mumashoko ekucherechedza zuva iri muZimbabwe, United Nation Country Team, yati vanasikana muZimbabwe vakatarisa nematambudziko akawanda anosanganisiri kuroorwa vari vadiki pamwe nekushaiswa mikana yedzidzo, mabasa kana mabhizimisi.

UN inotiwo denda reCovid – 19 rawedzerwa matambudziko aya uye UN iri kushanda nemsangano akaita seEuropean Union, masangano anoshanda akazvimirira nehurumende kudzeredza mhirizhonga nemamwe matambudziko anosangana nevasikana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG