Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reMadzimai


Womens Day New York
Womens Day New York

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika pasi rese mukucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Womens Day, vazhinji vachikurudzira kupiwa kwemikana yakaenzana munyika pazvigaro zvehutungamiriri.

Zuva remadzimai iri rinocherechedzwa musi wa8 Kurume gore rega rega. Uye gore rino riri kucherechedzwa pasi pedingindira rinoti #choosetochallenge.

Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume munyika yeGender Commission inoti madzimai akasaririra zvakanyanya munyika panyaya dzehutungamiri.

Sachigaro wekomishini iyi Amai Margaret Mukahanana Sangarwe vati vanonetsekana zvikuru kuti bumbiro remitemo renyika harisi kutevedzerwa panyaya yekuwanisa madzimai zvigaro zvehutungamiriri.

Amai Sangarwe vatiwo komisheni yavo yakatonyererawo tsamba kumutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadome mudzimai pachimwe chigaro chemutevedzeri wavo zvichitevera kusiya basa kwaVaKembo Mohadi.

Amai Sangarwe vatiwo denda reCovid-19 rakawedzerawo kudzikisirwa pasi kwevanhukadzi sezvo vazhinji vavo vachirarama nemabasa emaoko ayo vanga vasingakwaniki kuita.

Mumwe mudzimai wemuHarare, Amai Sungano Zvarehwanashe vatsinhirawo vachitiwo madzimai anofanira kupihwa zvigaro zvepamusoro.

Mukuru wePadare/Enkundleni/Men’s Forum on Gender, VaWalter Vengesayi avo vatiwo vanoshushikana sesangano kuti vakadzi havasi kuwaniswa zvigaro zvepamusoro.

VaVengesayi vakurudzirawo VaMnangagwa kuti vapewo chigaro chemutevedzeri wemutungamiriri wavo kumunhukadzi.

Amai Edinah Masiyiwa vanova mukuru we Women Action Group kana kuti WAG varumbidza madzimai vachiti akaratidza hunyanzvi hwehutungamiriri mukurwisa chirwere cheCovid-19 vachipa semuenzaniso chipangamazano chemutungamiri wenyika pakurwisa denda reCovi-19, Dr Agness Mahomva.

Kunyangwe hazvo Studio 7 isina kukwanisa kutaura negurukota rezvemadzimai Amai Sithembiso Nyoni, sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa, mugwaro ravabudisa kucherechedza zuva iri, vati madzimai nemasangano emadzimai akaratidza hunyanzvi munyaya dzehutungamiriri mukurwisa denda reCovid-19.

Vatiwo bazi ravo rino shushikana nekuti nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi dzakakwira zvakanyanya panguva ino nyika iri kurwisana neCovid-19 vakakurudzirawo kusimudzirwa kwevanhukadzi munyaya dzebudiriro.

Vakatanga kucherechedza zuva iri ndevekuAustria, Denmark neGermany muna 1911 vachirwira kodzero dzekuvhota nekushanda pasina rusarura.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG