Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reChirwere cheShuga


muchina wechirwere cheshuga
muchina wechirwere cheshuga

Zuva reWorld Diabetes Day rakacherechedzwa nemusi weChitatu, vamwe vanhu vanorarama nechirwere ichi –pamwe nezvimwe zvirwere zvisingatapuriranwe- vakatarisana nedambudziko guru rekutadza kuwana mishonga nekuda kwekushaya mari yekunze inodiwa pakutenga mishonga iyi.

Susan Mpofu anochengeta mai vake vakura uye vave nenguva vaine chirwere chediabetes anoti mumasvondo mashoma apfuura, amai vake vakambofenda vakazomuka mushure menguva inosvika awa rimwe chete nekuda kwekuti vaive vave nemazuva maviri vasina kumwa mapiritsi avanofanirwa kumwa nekuda kwekuti vaive vashaya mari yemadhora ekuAmerica anodiwa nezvitoro zvinotengesa mishonga.

Amai Charity Ndisengei ndemumwewo wevanhu vakawanda munyika vari kurarama nechirwere chediabetes icho vakabatwa mugore ra1995.

Amai Ndisengei vanoti mumakore ose apfuura vange vasina dambudziko rekuwana mapirirtsi avanofanirwa kumwa, asi pari zvino ivo nevamwe vakaita saivo vave panjodzi yekurasikirwa nehupenyu nekuda kwekudhurirwa nemishonga.

Chirwere chediabetes icho chinoziikanwa nevakawanda chichinzi chirwere cheshuga, chinokonzera kushomeka kana kuwanda kweshuga mumuviri izvo zvinogona kuuraya.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya vanobvuma kuti nekuda kwemariro ezvinhu munyika, vanhu vane zvirwere zvakaita sediabetes vakatarisana nedambudziko guru sezvo vane zvirwere izvi vachifanirwa kuwana mishonga kwehupenyu hwavo hwose.

Dr Ngwenya vanotiwo zuva reWorld Diabetes Day rakakosha nekuti rinobatsira kuti vanhu vawane ruzivo pamusoro pechirwere ichi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kusangano reZimbabwe Diabetics Association pamusoro pehuwandu hwevanhu vane chirwere chediabetes munyika.

Asi gwaro rinonzi World Health Organisation kana kuti WHO Non-communicable Diseases Progress Monitor regore ra2017 rinoratidza kuti vanhu zviuru makumi mana, zvinove zvikamu makumi matatu kubva muzana, vakafa nekuda kwezvirwere zvisingatapurirranwe kusanganisira diabetes.

Gwaro iri rinoratidzawo kuti pamatanho anotarisirwa neWHO kuti atorwe pakudzivirira zvirwere zvisingatapurirane huruemende iri kusarira kumashure pane zvakawanda.

Chiremba Dr Rutendo Bonde vanoti hurumende ine mitemo ine matanho akanaka anoratidza zvose zvinofanirwa kuitwa pakudzivirira diabetes nezvimwe zvirwere zvisingatapuriranwe. Asi vati chinonetsa ndechekuti zvinhu izvi hazvizotevedzerwi.

Dr Bonde vanotiwo chirwere chediabetes chikasarapwa chinokonzera zvimwe zvirwere zvakawanda vachiti zviri nani kuti vanhu vawane mishonga yakafanira pane kuzoedza kurapa zvimwe zvirwere zvakawanda.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro avo vaimbova sachigaro weZimbabwe Diabetics Association vari kutora hutungamiri hwechikamu cheAfrica cheInternational Diabetes Association kutanga kwegore rinouya.

Dr Mangwiro vaudza Studio 7 parunhare kuti Zimbabwe iri kusarira kumashure panyaya yekurapwa kwediabetese vachiti hurumende yakapedzisira kuita ongororo yemamiriro echirwere ichi munyika mugore ra2005. Asi vati bazi ravo riri kuita zvose zvakafanira kusanganisira kuita kuti zvive nyore kuti vanhu vawane mishonga yavanofanirwa kuwana.

Zuva reWorld Diabetes Day rinocherechedzwa musi waMbudzi 14 gore rega rega pasi pehurongwa hwesangano reInternational Diabetes Association rakabatana neWHO.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG