Accessibility links

Breaking News

Kurwiswa kweZvizvarwa Zvisiri zveSouth Africa Kwotanga Zvekare muSouth Africa


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muSouth Africa zvichitevera kutanga zvakare kwemhirizhonga yakanangana nezvizvarwa zvisiri zvemu South Africa.

VaJephias Madzvamuse, avo vanogara kuDurban, vanoti hupenyu hwavo nehwemhuri yavo huri parumananzombe zvichitevera kurwiswa kwevanhu vasiri zvizvarwa zvemu South Africa.

VaMadzvamuse vanoti havasi kuziva kuti mudzimai wavo, pamwe nemwana vavo, vari kupi zvichitevera kurwiswa kwavakaitwa neChipiri muDurban.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo munzvimbo dzakasiyana siyana muSouth Africa, uye vamwe vari kurwiswa vatyairi vamarhori.

Vanoziva zviri kuitika vanoti mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanonzo vakataura mashoko anoonekwa nevamwe seanopesvedzera kuti vasiri vemuSouth Africa varwiswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG