Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kurwisa Nesimba Zvirwere Zvepfungwa


Dr Sthembile Mahlatini
Dr Sthembile Mahlatini

Nyanzvi muzvirwere zvepfungwa, Doctor Sthembile Mahlatini, vanoti havasi kufara nezvavari kuona muZimbabwe maererano nekurapwa kwezvirwere zvepfungwa.

Doctor Mahlatini, avo vanoshandira kuOrlando, kuFlorida, vanoti Zimbabwe yaifanira kunge yakaisa zvirwere zvepfungwa pamusoro pezvinhu zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa asi haina kukwanisa kuita izvi pamusoro pekushaikwa kwemari zvino pave nedambudziko guru.

Hurumende inoti vanhu vanoita mirioni muZimbabwe vane zvirwere zvepfungwa, ichitizve irikuedza kuti vanhu ava vabatsirwe asi pane dambudziko rekuti vazhinji havasi kutsvaka rubatsiro.

Hurumende yaVaMnangagwa irikurumbidzwa pamusoro pekuedza kwayo kubatsira nekudzidzisa vanhu pamusoro pezvirwere zvepfungwa, zvikuru sei kumaruwa.

Dr Mahlatini vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanirwa kushanda nesimba uye nekukurumidza panyaya iyi nekuti varwere ava vanosarurwa uye havabatwi zvakanaka.

Vati mhuri nehama dzevarwere ava dzinofanirwa kuwana rubatsiro sezvo zvisiri nyore kuchengeta munhu anorwara nepfungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG