Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoiswa muNyika Makumi Matatu Dziri Kunetswa neChirwere cheTB


Mumwe murwere ane TB achionekwa nemukoti.

Sangano rezvehutano pasi pose, reWorld Health Organisation, WHO, rinoti Zimbabwe ndeimwe yenyika makumi matatu pasi rose dziri kunetsekana nechirwere cherurindi, kana kuti TB.

Sangano iri rinoti Zimbabwe iri kuremerwa nemhando nhatu dzechirwere ichi dzinoti TB pachayo, TB yakabatana nehutachiwana hweHIV, neimwe inokunda mishonga wekuirapa, inonzi MDR-TB.

Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti Zimbabwe haifaniri kuva inonetseka nechirwere ichi.

Munyori mukuru wesangano iri, Dr. Evans Masitara vanoshora mabatirwo enyaya iyi nehurumende vachiti nhengo dzeparamende dzinofanira kutarisa zvinhu nemaziso matsva.

Hurukuro naDr. Evans Masitara
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG