Accessibility links

Breaking News

Sangano reDzisvondo Pasi Rose Roshushikana neKushupika Kuri Kuita Vanhu muZimbabwe


World Council of Churches
World Council of Churches

Chikwata cheWorld Council of Churches icho chiri kushanya munyika chinoti hachisi kufara nekudzikira kwaita hupfumi hwevanhu muZimbabwe izvo zviri kukonzera kuti vakawanda varambe vachibuda munyika vachinotsvaga chekubata kune dzimwe nyika.

Munyori mukuru weWorld Council of Churches, Reverend Dr Olav Fykse Tveit, vati kuwondomoka kwehupfumi kunoshusha vedzisvondo pasi rose uye vaudza mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vanotarisira kuti hurumende ichagadzirisa hupfumi kuitira kuti vanhu vagare munyika mavo uye vachirarama zvakanaka.

Vachitaura nevatori venhu muHarare, Rev Tveit vati chikwata chavo, icho chine nhengo gumi nenhatu, chauuya kuzotsigira basa riri kuitwa nedzisvondo muZimbabwe zvikuru sei munyaya dzekurwirwa kodzero dzevanhu, dzidzo nezvimwe.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vatiwo rutsgiro urwu rwakakosha chose sezvo rwauya nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Vatiwo vafara chose kuti VaMnangagwa vavaudza kuti vedzisvondo vane basa guru pasarudzo zvikuru sei mukudzisisa veruzhinji kuti nyika iite sarudzo dzisna mhirizhonga.

Rev Mtata vati hurumende inotsigira mabasa edzisvondo uye VaMnangagwavatenda rutsigiro rwakapihwa nevedzisvondo kuvarwi vehondo yerusununguko.

Panyaya yekushungurudzwa kwevamwe vedzisvondo vakaita saPastor Evan Mawarire naPastor Patrick Mugadza, Rev Mtata vati vedzisvondo havafari kana vamwe vavo vachishungurudzwa pamusoro pekurwira kodzero dzevanhu kana kutaura zviri kuitika munyika.

Chikwata ichi chinotarisirwa kusangana nevamapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira chisati chabuda munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG