Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reWorld Cancer Day


Zuva reWorld Cancer Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa04 Kukadzi gore roga roga.

Zimbabwe inoti sedzimwe nyika pasi rese dambudziko rechirwere chegomarara riri kuramba richikura huye zvakakosha kutsvaka nzira dzekuti vese vanobatwa nechirwere ichi vakwanise kurapiwa.

Vachitaura pamhemberero dzekucherechedza zuva rechirwere chegomarara pasi rose reWorld Cancer Day muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika vari zvakare gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vati chirwere chegomarara idambudziko munyika huye hurumende iri kutsvaka nzira dzekubatsira vese vanobatwa nedenda iri.

VaChiwenga vati mugore ra2018 chete vanhu zviuru zvinomwe nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevana vakabatwa nechirwere chegomarara munyika.

Vatiwo kurwisa chirwere ichi zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe vachiti vanhu vazhinji munyika vari kubatwa chirwere ichi chatodzika midzi.

VaChiwenga vati mugore ra2017 vanhu vana muvanhu gumi vaibatwa nechirwere ichi vairasikirwa nehupenyu. Vatiwo munyika dzisina kubudirira seZimbabwe vana vasere muvana gumi vanobatwa nechirwere chegomarara vanoshaya asi kunyika dzakabudirira vaviri muvana gumi ndivo vanofa nechirwere ichi.

Vatiwo sezvo mishonga yekurapa chirwere ichi ichidhura huye nzvimbo dzekurapira chirwere ichi dzirishoma huye dziri mumaguta chete, hurumende yakazvipira kuwanisa mishonga yegomarara pachena. Vati izvi ndozvakaita kuti mubhajeti yegore rino kuiswe homwe padivi yekubatsiridza mukurwisa chirwere chegomarara sezvinongoitwawo mukurwisa chirwere cheHIV/Aids.

VaChiwenga vatiwo hurumende ichange ichiitisa zvidzidzo zvemachiremba egomarara pamwe nevakoti kuitira kuti vakwanise kubatsira veruzhinji, kuramboenderera mberi nekubaya nhomba yeHuman Papilloma Virus (HPV) kuvanasikana vari pakati pemakore gumi negumi nemana senzira yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko.

Vatiwo kuvhenekwa kwechirwere chegomarara kucharamba kuchiitwa uye kuwaniswa kwemishonga nezvekurapisa gomarara kucharamba kuchisimbaradzwa.

Vachipawo humbowo hwavo mushure mekurwara negomarara rechibereko pamhemberero dzanhasi, Amai Busisiwe Moyo vati kurapwa gomarara munyika mutoro.

Izvi zvatsigirwaro nemukuru weKidzcan VvaDaniel Mckenzie, avo vati kusaenzana kwemikana pakati pevanowana nevanoshaya kuri kukonzera ndufu dzakawanda kuvana. Vatiwo pane mukana wakakura wekuti vana vanobatwa negomarara varapwe vachipora asi nyaya yehurombo inoita kuti vazhinji vasakwanise kuwana mishonga pamwe nekuongororwa nekurapwa.

Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, Dr Alex Gasasira vatsigirawo kuti zvakakosha kuti vanhu vese vakwanise kuwana mukana wekuongororwa, kurapwa pamwe nekuwana mishonga zvisinei nekwavanenge vari munyika.

Mutauriri weCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa vaudzwo Studio 7 kuti vari kukurudzirawo kuti munhu wese agone kurapwa zvisineyi nekunobva kana mamiriro akaita munhu.

Vatiwo zvakakosha kuti mishonga yegomarara ibve kuhurumende vachiti pamusoro pekudzikisa mitengo zvinoitawo kuti iwanike kuzvipatara zvehurumende.

Zuva rechirwere chegomarara rinocherechedzwa musi wa4 Kukadzi gore negore. Dingindira regore rino kusvika 2024 riri kukurudzira kuti vanhu vese vakwanise kurapwa kana kuti Closing the Cancer Care Gap.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG