Hurumende, yakabatana nebhanga repasi rose re World Bank mu Africa, iri kutarisirwa kuparura gwaro riri pamusoro pemamiriro ehupfumi hwenyika pachishandiswa masaisai enharembozha kutenga, kutengeserana kana kuchengeta dzimari, kana kuti Digital Economy Country Report.
Hurongwa uhwu huri pasi pechirongwa chekusimudzira humhizha nehumhetura hwehupfumi hwepamasaisai muAfrica, kana kuti Digital Economy Initiative for Africa (DE4A).
Chirongwa cheDE4A ichi chakanangana nekuona kuti munhu wese, bhizimusi rose pamwe nedzihurumende muAfrica vanenge vave kukwanisa kushandisa masaisai munyaya dzekutenga nekutengeserana panosvika gore ra 2030.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti zvakakosha kuti gwaro iroro ringe richibuda nekutizvakakosha kuti vanhu vazive kuti nyaya dzehupfumi hwemasaisai hwakambomira sei mazuvano.
Facebook Forum