Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huchakura Gore Rino Asi Pane Zvimhingamipinyi Zvinofanirwa kuGadziriswa


Bhanga repasi rose reWorld-Bank rinoti Zimbabwe ichine zvimhingamipinyi zvinogona kutadzisa kusimukira kwehupfumi.
Bhanga repasi rose reWorld-Bank rinoti Zimbabwe ichine zvimhingamipinyi zvinogona kutadzisa kusimukira kwehupfumi.

Bhanga repasi rose reWorld Bank rinoti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitatu nezviga zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 3.9 percent gore rino, asi pachine matambudziko nezvimhangamipinyi zvinofanirwa kugadziriswa uye zvinoda mari kuitira kuti hupfumi hurambe huchikwira.

Richiparura gwaro raro re 3rd Zimbabwe Economic Update Report, iro rinodonongodza zvingaitwa mukukunda matambudziko mune zvehupfumi pamwe nekutarisa matambudziko anosangana nevanhu muZimbabwe rakaparurwa padandemutande muHarare nemusi weChina, bhanga repasi rose iri rakati kunaya zvakanaka kwemvura mwaka uno ndechimwe chichasimudza hupfumi hwenyika.

Zvimwe zvinonzi neWorld Bank zvinogona kumutsiridza hupfumi hwenyika kumuka kwemabhizimusi kubva mukumbokanganiswa nedenda reCovid-19 uyewo kuderera kwe inflation.

Asiwo bhanga iri rakati zvimhingamipinyi munyaya dzehutano, dzidzo uye chikafu, ndezvimwe zvichakabata nyika mhandamatsipa zvinoda kuvepo kwemari, kujeka pamwe nekufambiswa zvakanaka kwenyaya dzebudiriro kuitira kutsigira kusimukira kwehupfumi hwenyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chinhu chinenge chakanaka chose kuti hupfumi hwenyika huvandudzike.

Asi Doctor Chitambara vanoti kunyange hazvo hupfumi huri kuratidza shanduko, mamwe matambudziko ehurombo aripo anogona kuramba aripo sezvo achida nguva yakareba kuti ange achigadzirisika.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG