Accessibility links

Breaking News

Masangano Anomirira Vashandi Obatana Mukurwira Mihoro yeVashandi


VaPeter Mutasa

Masangano anomirira vashandi, anoti re Zimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), Zimbabwe Federation of Trade Unions (ZFTU), Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), Progressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), pamwe ne Zimbabwe Hospital Doctors Association (ZHDA) akasangana nezuro achizeya matambudziko evashandi vose vemunyika, vangave vashandi vehurumende kanawo vanoshandira makambani akazvimirira.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti nekuda kwekuti vashandi vose vari kusangana nedambudziko rimwechete remihoro yavo, vakaona zvakakosha kuti vaise musoro pamwe kuitira kuti vakawirirana vozonge votaura nezwi rimwechete.

VaMutasa vanoti kunyangwe hazvo uyu wanga uri musangano wekutanga, masangano ose akapinda mumusangano uyu akawirirana kuti vashandi vose vabatane.

Rimwe sangano revashandi vehurumende, re Apex Council, rinonzi rakakundikana kupinda mumusangano uyu asi rinotarisirwa kunge riri mumisangano ichatevera.

VaMutasa vanoti havana tarisiro yekusangana nehurumende kana nevashandirwi vachivapira zvavakabuda nazvo mumusangano wavo uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG