Accessibility links

ZCTU Inoti Haina Kupawo Pfungwa Dzayo paNyaya neMakambani eHurumende

  • Jonga Kandemiiri

ZCTU

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurumende haina kubvira yakambonzwawo sangano iri pfungwa dzaro pahurongwa hwayo hwekuda kutengesa makambani ehurumende, kana kuti parastatals.

ZCTU inoti hurumende inogona kushandisa mukana uyu kuita huori pakutengeswa kwemakambani aya.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kuendesa makambani ari pasi pehurumende kune vanhuwo zvavo kunoita kuti vanhu vabe midziyo pamwe nezvinhu zvemakambani aya, osara asina chinhu.

Vanotiwo sevashandi, vari kunyimwawo mukana wekutenga kana kushandisa makambani ari kutararika aya, kusanganisirawo akazvimirira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG