Accessibility links

Breaking News

“Hatina Kuisa Vashandi paMhene,” Inodaro ZCPSTU


Vashandi havasi kufara
Vashandi havasi kufara

Rimwe sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, rinoti harina kuisa pamhene vashandi vehurumende, vanove nhengo dzaro, vasiri kukwanisa kuenda kumabasa nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.

Izvi zvinotevera mashoko ari kubuda kubva kune mamwe masangano evashandi vehurumende ekuti danho rekuti vashandi vehurumende vangoshanda mazuva maviri chete pasvondo, Muvhuro neChipiri kutanga svondo rino rinoisa vashandi pamhene sezvo vachizokwanisa kuushungurudzwa, zvikuru nevezvematongerwo enyika.

Asi munyori mukuru musangano iri, VaDavid Dzatsunga, vanoti haisi pfungwa yesangano ravo yekuti vashandi vangoenda kumabasa kwemazuva maviri chete, asi kuti zvakatobva kuvashandi vakati havachakwanisa kuenda kumabasa nekuomerwa.

VaDzatsunga vanoti sesangano, vachabatsirawo vashandi vanenge vaenda kwavari vachiti vari kushungurudzwa uye vanovabatsira nenzira dzavanoziva.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, kuti tinzwe kana hurumende iine zvairi kuita kuitira kugadzirisa nyaya iyi.

Asi mune imwe hurukuro yavakaita neStudio7 nguva pfupi yapfuura, VaMavima vakati hurumende yakazvipira kugara pasi nevashandi vayo kuitira kuti vabude nechisungo chinoita kuti zvinhu zvifambire mberi zvakanaka.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri weStudio 7 naVaDzatsunga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG