Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga yeMudzimba Inokwira Zvakanyanya Munguva yeKuvharwa kweNyika


Vanhu vachiratidzira

Huwandu hwemhirizhonga yemudzimba yakanangana nemadzimai nevasikana hunonzi huri kuramba huchikwira muZimbabwe.

Izvi zviri muongororo yakabudiswa nezuro nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe iyo inoti mhirizhonga idzi dzakatanga kuwanda mushure mekuvharwa kwenyika gore rapera senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Ongororo iyi inoti zvekare mhirizhonga dzinoita pazviuru zvitanhatu nemazana mapfumbamwe nenhanhatu (6,906) dzakamhangarwa mukati memwedzi miviri yaChivabvu naKubvumbi gore rapera.

Huwandu uhu hwakakwira kubva pamhirizhonga zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nesere (5,498) dzakamhangarwa pakati pemwedzi yaChivabvu naKubvumbi muna 2019.

Ongororo iyi inoti mhirizhonga idzi dzinokonzera kurwisana mudzimba zvichibva mukupererwa nemazano, kuremerwa nepfungwa uye kushaikwa kwemari mudzimba.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti mapurisa ari kuronga kudzidzisa vanhu mumatunhu ose pamusoro pezvemhirizhonga dzemumba.

Chiremba vezvepfungwa, Doctor Stem Mahlatini, vanoshandira mudunhu re Florida, vanoti zvabudiswa muongororo iyi hazvina kuva shamisa nekuti Covid-19 iri kuvhiringa magariro evanhu mumisha pasi pose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG