Accessibility links

Breaking News

Vechidzimai Vanoti ‘Proportional Representation’ Ibviswe


Sitabile Dewa
Sitabile Dewa

Sangano rinomiririra vanhukadzi nekurwira kodzero dzavo, re Women’s Academy for Leadership and Political Excellence (WALPE) rinoti raendesa zvichemo zvaro kunhengo dzeparamende richiti rinoda kuona bumbiro remutemo richishandiswa zvakanaka uye zvesarudzo zvichipindudzwa nenzira inoita kuti vechidzimai vapiwe mukana wekukwanisavo kuti vaite zvematongerwo enyika pasina rusarura. Mukuru wesangano iri, Muzvare Sitabile Dewa, vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvavanoda zviri mugwaro ravasvitsa kuparamende zvinosanganisa kugadziriswa nekukurumidza kwebumbiro remutemo kuti rishande pamwe chete nemitemo yemunyika, zvikuru sei munyaya dzesarudzo, vachiti sangano ravo rinoda kuti paramende idzike mutemo wekuti vanhukadzi vapiwe zvigaro zvakaenzana nezvevanhurume, kuita 50/50, kwete zve’proportional representation’ zviri kushandiswa ikozvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG