Vanhukadzi vanofanirwa kushuvira nekushingirira kuita mabasa agara achinzi ndeevanhurume zvisinei kuti vanosangana nezvemhingamupinyi zvakasiyana-siyana mukuedza kuita izvi.
Izvi zvakabuda pamusangano wekukurudzira vanhukadzi vechidiki kuti vashuvire kuzvisimudzira muhupenyu wakaitwa muBulawayo neMugovera manheru.
Mumwe wevaive vatauri pamusangano uyu, Amai Thandi Dube, vanove mutyairi wendege vakati hazvizi nyore kuti vanhukadzi vapinde uye vabudirire mumabasa agara achionekwa seanofanirwa kuitwa nevanhurume.
Asi vakati nekuda kwenyaya yekukosheswa kwavepo pakuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, zvakakosha kuti vanhukadzi vechidiki vashuvire kupinda mumabasa akadaro nekuzvisimudzira muhupenyu zvisinei nezvimhingamupinyi zvavanosangana nazvo.
Izvi zvakatsigirwawo naMuzvare Annette Moyo vanove chiremba pane chimwe chipatara muBulawayo.
VaBusisa Moyo vanove mukuru wekambani yeUnited Refineries uye vakambovewo mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries vakati vakabvuma kuti vanasikana nevanhukadzi vechidiki vanosangana nematabudziko akawanda mukuda kubudirira mumabasa akasiyana-siyana.
Asi vakati zvakakosha kuti vechidiki ava vasazvitarisire pasi uye vashuvire kuve vanhu vanobudirira muhupenyu vachitiwo zvakakosha kuti vade kuita zvidzidzo zveScience uye kuti vawane rutsigiro rwose rwavanoda kunyanya kubva kuvanhurume.
Mumwe wevechidiki aive pamusangano uyu, Chipo Paradzai, akati dambudziko guru richiri kuwanikwa panyaya yekuti vanhukadzi vasimukire nderekuti havawaniswe mikana muzvikamu zvakasiyana-siyana zvehutungamiri kungave kumabasa, mune zvematongerwo enyika kana papi zvapo.
Izvi zvinotsinhirwawo nemumwe wechidiki, Kudzai Munyaka, uyo anoti pfungwa yekuti pane mamwe mabasa kana zvimwe zvinhu zvisingakwanise kuitwa nevanhukadzi ichiri yakatekeshera muvanhu vakawanda, achitiwo vanhukadzi vechidiki vanofanirwa kuzvipira kuti vabudirire zvisinei nemafungiro akadai.
Musangano wanezuro wakaitwa nesangano reWomen’s Institute for Leadership Develeopment pasi pechirongwa chekukurudzira vanhukadzi vechidiki kuti vapinde muzvinzvimbo zvakasiyana-siyana zvehutungamiri.
Facebook Forum