Accessibility links

Breaking News

Masangano Okurudzira Kuferefetwa kweMhosva Dziri Kupomerwa VaMagaya


Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case
Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case

Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira madzimai munyika, reWomen's Coalition of Zimbabwe, rinoti hurumende nemasangano ose anoona nezvekodzero dzevanhu pamwe nekudzivirirwa kwemhirizhonga, anofanira kuongoorora nyaya dziri kupomerwa mukuru wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries, PHD Ministries, VaWalter Magaya.

VaMagaya vari kupomerwa mhosva dzekubata vakadzi chibharo idzo dzinonzi dzaparira munyika yese mumapepanhau nepamadandemutande.

ASi VaMagaya vari kuramba mhosva idzi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sachigaro weWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Ronika Mumbire, vati vari kushushikana zvikuru nenyaya dziri kutaurwa pamusoro paVaMagaya uye panofanira kuumbwa komisheni ichaongorora nyaya idzi kuitira kuti chokwadi chibude pachena uye kana pakaparwa mhosva, dzotongwa.

Amai Mumbire vati chiri kushamisa madzimai neveruzhinji ndechekuti vese vari kumbobuda pachena kuti vakabatwa chibharo nenzira dzisina kururama, vakadzi vechidiki uye meshure mekubuda pachena, vanozaramba kuti ndozvakaitika uye havazodi kuti nyaya dzavo dziende kumatare kana kumapurisa.

Vati nokuda kwaizvozvo, vari kukurudzira Zimbabwe Republic Police, Gender Commission of Zimbabwe, Zimbabwe Human Rights Commission navose vane chekuita nekodzero dzevanhu kuti vaumbe komisheni ichaongorora nyaya idzi kuitira kuti chokwadi chibude pachena.

Amai Mumbire vatiwo paramende inofanira kudzika mitemo inochengetedza madzimai nevasikana mudzisvondo.

Mukuru weWomen’s Coalition, Amai Sally Ncube, vati ongororo iyi ichabatsira zvikuru kuburitsa pachena pamwe nekupindura mibvunzo yakawanda iyo ine veruzhinji.

Mukuru wesangano reMusasa Project, Amai Netty Musanhu, vati kune madzimai echidiki mashanu akatatombomhan’ara nyaya dzekuti vainge vabatwa chibharo naVaMagaya asi vakazoshamiswa kunzwz madzimai aya ave kuti ainge asisade kuti nyaya idzi dzienderere mberi.

Pavabvunzwa kuti havaone here sekuti vamwe vakadzi vanotaura manyepo pamusoro paVaMagaya vachida kuti vagopihwa mari, Amai Musanhu vati ndosaka pachifanira kuongororwa kuti zvibude pachena.

Sangano iri rati rinoziva kuti madzimai anoomerwa kumhan’ra nyaya dzekubatwa chibharo uye vari kukurudzira vose vangave vakabatwa chibharo kana zvikasarurama naVaMagaya kuti vabude pachena uye rakazvipira kubatsira kuti nyaya dzavo dzimhan’arwe kumapurisa nekumatare edzimhosva.

Amai Musanhu vati vose vanoda kubatsirwa kana kumhan’ara nyaya dzavo kana vane zvavanoziva vakasununguka kuita izvi pachena vachishandisa number dzefoni dzisingabhadharwe dze Women Coalition dzinoti 08080230, Musasa Project 08080074, neZimbabwe Women Lawyers Association 08080131.

Amai Mumbire vatiwo vanoda kuti nyaya iyi igadziriswe nechimbichimbi uye vanofara kuti ZRP yakatopindura tsamba yavo ichiti ichashanda navo panyaya iyi nebandiko rayo reVictim Friendly Unit.

Pavabvunzwa kuti pane hurongwa here hwekunoratidzira kumuzinda kana kuchechi yePHD Ministries, Amai Mumbire vatiwo pane mamwe matanho avari kutora avachazivisa mukufamba kwenguva.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMagaya sezvo mutauriri wavo, VaAdmire Mango, vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Tabatawo gweta raVaMagaya, VaEverson Chatambudza, avo vatiwo titaure nemutauriri waVaMagaya.

Munyaya yakada kufanana neino, mukuru wesvondo yeRMG End Time Message, VaRobert Martin Gumbura, vakakandwa mujeri muna 2014 kwemakore makumi mashanu mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo madzimai emusvondo mavo.

VaGumbura vari kupika vari kujeri guru reChikurubi muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG