Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ozeya Zvichemo Zvokusvitsa kuHurumende Itsva


Madzimai anobva kumativi mana enyika ari kuzeya zvavari kuda kuti hurumende itsva yagadzwa neChishanu iitire vanhukadzi senzira yekuremekedza mabasa avanoita mukusimudzira nyika.

Vakawanda vemadzimai aya vanotiwo vakashamiswa kuona vakuru vakuru vemauto vari kutungamira chirongwa che Operation Restore Legacy, pasina vanhukadzi pakati pavo.

Mukuru wesangano reFemprist, Amai Rita Nyamupinga, vanoti havana kufara nemamiriro akanga akaita vakuru vakuru vaifambisa zvinhu muchiuto pasi pechirongwa che Operation Restore Legacy, sezvo pakanga pasina vanhukadzi.

Amai Nyamupingidza vanoti izvi munongedzo wemafungiro ehurumende itsva ichange iri pasi paVaEmmerson Mnangagwa.

Aimbova murwiri werusununguko, Amai Thandiwe Ngulube, vanoti madzimai akadzikiswa chimiro kubudikidza zvakaitwa naAmai Grace Mugabe, avo vakapotsa vapinza nyika yese mumhirizhonga.

Amai Ngulube vanoti madzimai vaisafanira kuita humbimbindoga nokuti ndiko kurasika kwavange votoita sezvo varume vachibatana kusvika vabuda nesungano.

Mutungamiri wesangano reDisabled Womens Organisation, Amai Rejoice Timire, vanoti madzimai akaremara ane pfungwa dzokuronga zvine hungwaru nokuti vane pfungwa dzakarodzeka zvakatonyanyisa.

Mukuru weWomens Action Group, Amai Edna Masiiwa, vanoti hurumende inofanira kuona kuti zvinodiwa nemadzimai zviri kucherechedzwa kubudikidza sezvakanyorwa mubumbiro remitemo yenyika yeZimbabwe.

Mashoko aya anotsigirwa negweta rinoona nezvekodzero dzemadzimai, Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda, vanoti vane zvisungo zvina zvinofanirwa kuongororwa nekukurumidza nehurumende itsva.

Amai Sally Ncube vesangano reWomens Coalition iro rakaronga musangano uyu vanoti hakuna munhu akakosha kudarika mumwe nokuti Zimbabwe inhaka yakasiirwa munhu wese nemadzitateguru edu.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:11:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG