Accessibility links

Breaking News

West End Clinic Inoti Varwere Vari Kuuya Kwairi Vawandisa


.
.

Mukuru wechipatara cheWestend Clinic muHarare, VaNick Mapesa, vanoti huwandu hwevarwere vari muchipara chavo huri kuramba huchikwira mazuva ose, asi havana chokwadi kuti zvingave zviri kukonzerwa here nekuramwa mabasa kuri kuitwa navana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende.

Vachitaura pamusoro pevana mukoti vari kuramwa mabasa, VaMapesa vanoti vana mukoti naanachiremba vakapika vachiti vacharapa varwere chero zvakaoma sei, uye vanosungirwa kuti vashande sekupika kwavakaita vachitora mhiko yekushanda nevarwere.

VaMapesa vanoti kuratidzira kuri kuita vana mukoti kukaramba kuchienderera mberi, kuchaita kuti vanoshaya vaende kuzvipatara zvisiri zvehurumende, izvo zvinodhura.

VaMapesa vanoti varwere vazhinji vanokuda kurapwa kuWestend Clinic, asi vazhinji vavo havakwanisi kuunganidza mari inodiwa nechipatara chavo.

VaMapesa vanoti chipatara chavo chinokwanisa kutambira chero zvake murwere, asi panombotanga paita hurongwa hwekuti anozobhadhara sei mari yekurapwa.

Vana mukoti vakatanga kukanda mapadza avo pasi nemusi weMuvhuro svondo rapera vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG