Accessibility links

Breaking News

VaJacob Zuma Voiswa Pakaoma muSouth Africa


Mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, nemutevedzeri wavo, Va Cyril Ramaphosa.
Mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, nemutevedzeri wavo, Va Cyril Ramaphosa.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka ku South Africa uku kwaita makakatanwa pakati pemutungamiriri wenyika Va Jacob Zuma naVa Cyril Ramaphosa avo vabva kugadzwa nemutungamiri mutsva we ANC nenyaya yekuti VaZuma vasiye basa semutungamiriri wenyika VaRamaphosa vapinde panyanga.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuSouth Africa uko kwaita makakatanwa pakati pemutungamiri wenyika, Va Jacob Zuma, pamwe nemutevedzeri wavo muhurumende, Va Cyril Ramaphosa, zvichitevera kusarudzwa kwakaitwa VaRamaphosa semutungamiriri mutsva weANC muna Zvita gore rapera.

Bato reANC rinoti riri kuda kuti VaZuma vasiye basa sezvo vari kupomerwa nyaya dzehuori. Temu yaVaZuma semutungamiri weSouth Africa inopera gore rinouya, asi bato ravo rinogona kuvadzora kubato kana richinge risisawirirane nehutungamiri hwavo muhurumende.

VaZuma, kuburikidza neANC, vakabvisawo vaive mutungamiriri wenyika panguva iyi, VaThabo Mbeki muna 2008 pachigaro chemutungamiri wenyika zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa semutungamiri weANC.

Pari zvino ANC iri kuti VaZuma vasiye basa, kutadza kwavo kuita izvi, vachadzoswa kubato sezvakaitwa VaMbeki muna Gunyana 2008.

VaZuma, avo vavae nemakore makumi manomwe nemashanu, vari kuramba kusiya basa.

VaRamaphosa vasangana kechipiri neChitatu naVaZuma vachikurukura nyaya yekuti VaZuma vasiye basa sezviri kudiwa nebato rakavasarudza kuva mutungamiri waro.

VaZuma vapihwa kusvika musi 17 Kukadzi kuti vasiye basa zvine chiremera. Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika muANC vanoti panenge pava nechibvumirano chaitwa pakati paVaRamaphosa naVaZuma kuitira kuti VaZuma vasiye basa.

VaZuma vane nyaya dzakawanda dzavari kupomerwa dzine chekuita nehuori, kusanganisira kushandisa mari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora iyo inonzi yakashandiswa pakuvakiridza musha wavo, kusanganisira danga remombe iro rinonzi rakashandisa mari yakawanda.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kutevera zviri kuitika munyika iyi zviine mufaro pamwe nekusuwa, sezvo vamwe vasingazive gwara richatorwa naVaRamaphosa, asi vamwe vachiti VaRamaphosa munhu anoremekedzwa munyaya dzemabhizinesi, nokudaro gwara ravo richange rakanangana nekusimudzira hupfumi hweSouth African.

Mukuru wesangano rinoona nezvekodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica, reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti vanoona VaRamaphosa vaine remangwana revana veZimbabwe vari muSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG