Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yotatarika Kuunganidza Chikwata cheMitambo yeAfrica Nations Cup


Vatsigiri vemaWarriors vakawanda vari kutambira nemufaro kudzoka munhandare mushure mekumbokuvara kwakaputeni wemaWarriors Knowledge Musona uyo akakanda zvibodzwa zviviri.

Asi kuunganidza vamwe vatambi vechikwata chemaWarriors kuri kutemesa ZIFA musoro.

Musona akakanda zvibodzwa zviviri achangobva kunaya mukukuvara apo chikwata chake cheAS Eupen kuBelgium chakaita mangange 3-3 ne Leuven mukupera kwesvondo.

Izvi zvafadza vatsigiri venhabvu muZimbabwe sezvo chikwata chenyika chemaWarriors chakatarisana nemitambo mikuru miviri munzira yekuenda kumakundano e2021 Africa Cup of Nations.

Musona arikudiwa kutungamira chikwata ichi kukunda mumitambo neBotswana neZambia kuti chibudirire kuenda kumafainari e2021 Africa Cup of Nations.

Asi hapana tarisiro yekuti vamwe vatambi veZimbabwe vari kuEnglandTendai Darikwa, Brendon Galloway, Jordan Zemura naAdmiral Muskwe vachauya kuzotambira maWarriors nemhaka yemitemo yeko yeCovid 19.

Chikwata chaMarvelous Nakamba cheAston Villa chakatozivisa kare kuti mutambi uyu haasi kuuya kuzotambira nyika yake pamitambo yeAfcon iyi.

Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vanoti vakamirira zvekare kunzwa kuzvikwata zvaTino Kadewere naMarshall Munetsi kuFrance kuti vatambi ava vachauya here.

Izvi zvasiya Musona ari iye mupata kiyi pamitambo iyi iyo Zimbabwe inofanira kukunda kuti iende kuAfcon kechitatu kakateverana.

Munyori wenhau Edgar Gweshe uyo anotsigira chikwata cheDynamos anoti arikutarisira kuti Musona achaitira Zimbabwe zvaari kuitira Eupen.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaJairos Sendekai vanoti Zimbabwe inofanira kurongera mitambo iyi isingatarise vatambi vari kuBritain.

Kadewere akasauya Musona angangobatanidzwa naKnox Mutizwa uyo anotambira Golden Arrows kuSouth Africa.

Mutizwa akakandawo chibodzwa nezuro apo Golden Arrows yakarova Black Leopards 3-1.

Zimbabwe irikusangana neBotswana musi wa 25 Kurume vachizopedzisira neZambia musi wa 30 Kurume.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG