Accessibility links

Breaking News

Mabatirwo Akaitwa Chikwata cheZimbabwe Warriors Otsamwisa Vakawanda


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Veruzhinji muZimbabwe havasi kufara nemabatirwo akaitwa chikwata chemaWarriors apo chaive mukamba chichigadzirira makwikwi e2017 Africa Cup of Nations.

Veruzhinji muZimbabwe havasi kufara nemabatirwo akaitwa chikwata chemaWarriors apo chaive mukamba chichigadzirira makwikwi e2017 Africa Cup of Nations.

Vakawanda vanoti mabatirwo akaitwa chikwata ichi anokwanisa kuvatadzisa kutamba zvakanaka kumakundano e 2017 Africa Cup of Nations ayo ari kutanga neMugovera.

Chekutanga, maWarriors akatanga achigariswa kuZifa Village uko vatambi vanoti vaisangana nemakonzo ayo aivatadzisa kurara.

Chechipiri, chikwata ichi chaiita gadziriro yacho munhandare yeGateway Primary School mushure mekunge veZifa vatadza kubhadhara mari yekuti vashandise National Sports Stadium.

Chechitatu, maWarriors ayo aifanira kuve akasimuka neMugovera akazosimuka nezuro mushure megakava nenyaya dzemari yavanofanira kupihwa mukukwikwidza kwavo mumakundano ezvikwata gumi nezvitanhatu aya.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaProsper Muzanharwo, vanoti vatambi vanofanira kupihwa mari kuti vatambe neshungu.

Muteveri wenhabvu, VaShingirai Kadiyo, vanoti havasi kufara nemabatirwo anga achiitwa maWarriors vachiti ivo izvi zvinokonzera kuti chikwata chikundwe mumitambo iyo chaifanira kukunda.

VaKadiyo vanoti vari kuona maWarriors achidyiwa mumitambo yavo yese iyo vari kusanga neAlgeria, Senegal pamwe neTunisia.

Mutsigiri wechikwata cheDynamos, VaShephed Saizi, vanoti vatambi vanofanirwa kubatwa zvakanaka vachiwedzera ivo kuti nemabatirwo anga achiitwa maWarriors, vari kuona pasina chimuko kuGabon.

Zvikwata zviviri kubva mugungano reZimbabwe ndizvo zvinoendera mberi nemakundano aya.

MaWarriors ari kutarisirwa kutamba mutambo wekuedzana masimba neCameroon muYaounde mangwana.

Mutambo wavo wekutanga mumaAfrica Cup of Nations uriko neSvondo apo vari kusangana nemaDesert Foxes ekuAlgeria.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG