Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oyambirwa Kutevedzera Gwara reHurumende


International Day Of Disaster And Risk Reduction 3

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose nhasi mukucherechedza zuva
rekuderedza njodzi, reInternational Disaster Risk Reduction, hurumende
ichiyambira vemasangano akazvimirira kuti atevedzere gwara rehurumende mukuita mabasa awo.

Vachitaura nhasi munhandare yemuChinhoyi apo panga pachirangarirwa
zuva iri munyika, gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vati vemasangano
akaita seWorld Health Organization-WHO-, United Nations nemamwe
vanofanirwa kuteerera zvinenge zvataura mutungamiri wenyika VaEmmerson
Mnangagwa, mukuita mabasa avo.

VaMoyo vati zvakakosha kugadzirira njodzi isati yauya kuitira kuti nyika isarasikirwe nevanhu vanofa munjodzi idzi.

VaMoyo vati vanhu vemumaguta vari kuvaka dzimba munzvimbo dzine mvura izvo vati injodzi huru kana pakaita mafashanu emvura.

Vanga vakamirira mumiriri weUnited Nations munyika pachiitiko chanhasi, Amai Nyasha Mazango, vati vanobata basa mukuderedza njodzi zvikuru mukudyidzana kwemapazi anenge achirwisa matambudziko anenge awira nzvimbo dzakasiyana siyana.

Panyaya yataurwa naVaMoyo yekuti vemasangano akazvimirira vanofanirwa
kuita zvavanenge vataurirwa nehurumende chete, Amai Mazango vati havana chekutaura sezvo vauya kuzotura mashoko emumiriri weUnited
Nations chete.

VaMoyo vati makanzuru anofanirwa kurongeka kuitira kuti agare
akagadzirira kurwisa dambudziko rose ringawire vanhu munzvimbo dzavo.

Mhemberero dzegore rino dzaiitirwa mudunhu reMashonaland West nekuda
kwekuti ndiro dunhu rine vanhu, zvivakwa pamwe nezvirimwa
zvakaparadzwa nemoto wesango zvakanyanya munyika.

Mushandi webazi rinoona nezvekuchengetwa kwemasango nezviwanikwa, Amai Joice Chapungu, vati moto yesango yakawedzera nezvikamu makumi masere kubva muzana-80% zvichienzaniswa negore rapera.

Amai Chapungu vati kunaya kwemvura yakawanda gore rapera kwakaita kuti
zvinotsva zviwande.

Vanhu vashanu vakafa gore rino nekuda kwemoto mudunhu reMashonaland
West. Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vakafa nedambudziko iri munyika yose.

Panyaya yenjodzi dzemumigodhi mutauriri wekambani yeZimplats, Amai
Busi Chindove, vati vane vanhu vanodzimura moto mumigodhi uye
vanoshanda nebazi rehurumende mukuriwanisa zvikwanisiro zvekudzimura
moto yesango.

International Day for Disaster Risk Reduction rakatangwa kucherechedzwa mugore ra1989 uye mhemberero dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira rekuti: Multiple disasters are best managed in a devolved environment.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG