Accessibility links

Breaking News

Varidzi veMabhawa Voyambirwa Kusungwa Kana Vakatyora Mitemo yeLockdown


Minister Kazembe Kazembe
Minister Kazembe Kazembe

Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vakurudzira veruzhinji kuti varemekedze mitemo yakaiswa yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusangano wavaita nhasi muHarare nevatori venhau, VaKazembe vati vana veZimbabwe vakatevedzera mitemo yakaiswa yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, zvinobetsera mukudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

VaKazembe vatiwo mapurisa achasunga vese vachatyora zvakatarwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaKazembe vakumbirawo kune veruzhinji kuti vave ziso rehurumende kune avo vachavhura nzvimbo dzekutandarira pamwe nekunonwirwa doro.

Vakumbira veruzhinji kuti vazivise mapurisa kana vaona vanenge vachityora mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vachibvunzwa kuti nhasi kune mapurisa anga achishungurudza vanhu vanga vachibva kumusha weChitungwiza vachiti vanoda tsamba dzekufambisa, VaKazembe vapindura vachiti izvi hazvisi izvo zvinotarisirwa vakati pari zvino hakuna mutemo wekuti vanhu vave netsamba. VaKazembe vakurudzirawo veruzhinji kuti vanobaiwa nhomba kudzivirira kuzorwara zvakanyanya.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati hurumende yeZanu PF inongoisa mitemo yavasingatevedzeri.

VaHlatywayo vapomera bato reZanu PF mhosva yekuramba ichiunganidza vanhu zvisinei nemitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakati kana mitemo yaiswa inofanirwa kuremekedzwa nemunhu wese.

Sachigaro weNational Taskforce on Covid-19, Amai Opah Muchinguri Kashiri, vazivisawo kuti hurumende yakatenga nhoma mamiriyoni maviri vachiti vanotarisira kuti chirongwa chekubaya nhomba chichafambira mberi zvakanaka.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevapfumbamwe, vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe nemazana matatu nemakumi mashanu nevanomwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa munyika yose vava chiuru chimwe chete nemazana masere nevasere, uye vabatwa nechirwere ichi, vava zviuru makumi mashanu nechimwe nemazana maviri nemakumi maviri nemumwe chete, 51,221.

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi masere nezviviri, zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevasere, 782,698.

Vanhu vabayiwa nhomba yepiri vava zviuru mazana mashanu nemakumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana maviri nemakumi matanhatu nevaviri, 559,252

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kuparararira kwechirwere ichi.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende ine mutoro muhombe wekuti ikwanise kubaya nhomba vanhu vayiri kutarisira kubaya pakatariswa huwandu hwevanhu vabayiwa pari zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG