Accessibility links

Breaking News

Vakarwira Rusununguko rweNyika Vanoti Vari Kuyaura neNhamo


Zimbabwe War Veterans Demonstration
Zimbabwe War Veterans Demonstration

Sachigaro wesangano revaimbove varwiri verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaConilious Muoni, vanoti nhengo dzavo dziri kunonga svosve nemuromo sezvo mari dzadziri kupihwa dziri shoma uye dzisingauye nenguva.

Vatiwo havasi kurapwa pachena kuzvipatara uye vamwe mhuri dzavo dziri kubviswa pamapurazi avanenge vapihwa kana vachinge vafa.

Vachitaura nezuro pamarinda anovigwa magamba edunhu muChinhoyi, apo paivigwa gamba redunhu, VaHardlife Chiwoniwoni, VaMuoni vakati hurumende inoita seisinganzwe matambudziko ari kutarisana nevaimbove varwiri verusununguko kunyange nyika yakawana rusununguko makore makumi mana nerimwe chete appfuura.

VaMuoni vakati vamwe vavo vave kudemba kuti vakaendereyi kuhondo sezvo vari kutambudzika zvakanyanya.

VaMuoni vakati nhengo dzavo hadzisi kurapwa kuzvipatara nemakiriniki
ehurumende sezvakabvumiranwa uye mari dzavanotambiriswa ishoma, uye nguva dzakawanda dzinonoka kuuya.

VaMuoni vakati vaviga nhengo dzavo ina muvhiki rimwe chete vachiti
vanofungudzira kuti nhengo dzavo dziri kufa nekufungisisa.

Vakati chimwe chinhu chave kuitika ndechekuti hama dzenhengo dzavo dziri kutorerwa minda yavanenge vapihwa kana nhengo yavo yafa.

Mumwe murwiri werusununguko anoda kuzivikanwa nezita rekuhondo rekuti Hero anoti kurapwa kuri kunetsa muzvipatara achiti haana kumborapwa zvakakwana kubva paakabva kuhondo zvekuti akatosiya basa kuchiuto nekuda kwegumbo raakapfurwa kuhondo.

Vachitaurawo nezuro wakare, gurukota reMashonaland West, Amai Mary Mliswa-Chikoka vakatiwo hurumende ichachengetedza chirikadzi dzevaimbove varwiri verusununguko kuitira kuti dzisatorerwa minda.

Mutauriri wehurumende uye vaimbove murwiri wehondo yarusununguko, Amai Monica Mutsvangwa, vati nyaya yekubatwa kwevaimbove varwiri verusununguko inyaya yanga yakakanganikwa asi iye zvino inyaya iri kutarisiswa zvakanyanya.

Studio7 haina kukwanisa kuwana huwandu hwevaimbove varwi verusununguko vachiri vapenyu sezvo mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika vachiona nezvenyaya dzevaimbove varwiri verusunguko munyika, VaVictor Matemadanda, vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG