Accessibility links

Breaking News

Kuitwa Gurukota kwaVaShiri Kworumbidzwa kuMash West


Mutungamiri Wenyika vaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri Wenyika vaEmmerson Mnangagwa

Kunyange vanhu vakawanda vasina kufarira makurukota akadomwa nemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, vaimbove varwiri verusununguko nevamwe vanhuwo vanofarira kugadzwa kwemukuru wemauto emuchadenga, VaPerence Shiri, segurukota rezvekurima neminda.

Vaimbove varwiri verusununguko ava vanoti vanofarira zvikuru kugadzwa kwaVaShiri vachiti vane tarisiro yekuti vachagadzirisa nyaya dzinosanganisira kutorerwa minda kwanga kwoitwa vaimbove varwiri ava, kuwaniswa kwevamwe vavo minda vainge vasina kuwana minda apo yaigoverwa.

Munyori webazi revaimbove varwiri mudunhu reMashonaland West, VaMudarikwa, vanoti VaShiri vanofanirwa kugadzirisa nyaya yekutorerwa minda kwavari kuitwa nevashandi vebazi rezveminda.

VaMudarikwa vanoti kunyange vamwe vanhuwo zvavo vainge votengeserwa minda nevashandi vehurumende avo.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe wevaimbove varwiri verusununguko, VaJoseph Chinyangara, avo vanoti VaShiri vanofanirwa kugadzirisa nyaya yekutengeswa kweminda izvo zvisingabvumirwe nemitemo yenyika.

VaChinyangara vanoti bazi rezveminda raifanirwa kunge rakapihwa munhu ane nhoroondo yehondo yemuchimurenga sezvaitwa naVaMnangagwa.

VaNicholas Musundire vekuChegutu avo vakadzidzira kurwa hondo naVaShiri kuTanzania muna 1974, vanoti VaShiri munhu ane chido nenyika yake uye vanoti havana tsvete sezvanga zvoitika munyika.

VaMusundire vanoti VaShiri vachagadzirisa nyaya yekutengeserwa minda kwete yevaimbove varwiri verusununguko chete, asi nevamwe vanhu munyika.

Mumwe akashanda naVaShiri, VaFunny Mutsure, vanofarira kugadzwawo kwaVaMatemadanda semutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika vachiti vachagadzirisa nyaya yemari yavanoti ishoma inopihwa vaimbove varwiri vehondo pamwedzi.

Mune imwewo nyaya, vanhu vakawanda muChinhoyi vafarira kubviswa kwaitwa VaLazarus Dokora segurukota rezvedzidzo yepasi.

Mumwe wevanhu vafarira kubviswa kwaVaDokora ndiva Alvin Makumbe avo vanoti VaDokora munhu ane humbimbindoga anoita zvinhu asingabvunze vabereki vevana vari muzvikoro.

VaMnangagwa vabvisa VaDokora naVa Chris Mutsvangwa semakurukota, VaMutsvangwa vachiitwa chipangamazano chinokosha chaVaMnangagwa.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG