Accessibility links

Breaking News

Mapato Okumbira ZEC Kurerutsira Vanoda Kunyoresa Kuvhota


Mapato mazhinji okumbira kubviswa kwemapepa anoratidza panogara munhu
Mapato mazhinji okumbira kubviswa kwemapepa anoratidza panogara munhu

Vamiri vemapato ezvematongerwo enyika, kusanganisira Zanu PF, vabvumirana nhasi kuti vataure neizwi rimwe chete apo vanosangana neZimbabwe Election Commission, ZEC, kuitira kuti ibvumidze vanhu kunyoresa kunyange vasina magwaro anoratidza pavanogara.

Vati izvi zvinofanirwa kuitwa panotanga chikamu chechipiri chekunyoresa nemusi weSvondo.

Vachitaura pachirongwa chekuedzana pfungwa panyaya dzekunyoresa kuvhota, vamiriri vemapato mana makuru ari munyika vawirirana kuti vasangane ne ZEC mangawana kuHarare vachiiudza kuti itambire vanhu vose vane zvitupa kuti vanyorese munzvimbo dzavanoda kunyoresa vasingabvunzwe magwaro epavanogara.

Munyori mukuru we MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati vanovimba kuti ZEC ichatambira zvinenge zvataurwa nemapato sezvo ari iwo ane vanhu vari kunyoresa kuvhota.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaPaul Chimedza, vati vanotenderana nenyaya yekubviswa kwemagwaro anodiwa, sezvo zviri kutadzisa vanhu vakawanda kunyoresa.

Vechidiki vakawanda vange vari pamusangano uyu vashoropodza ZEC vachiti vari kutadziswa kunyoresa nepamusana pemagwaro anoratidza paunogara.

Mutauriri we National People’s Party, VaJeffreson Chitando, vatiwo kuti vanhu vazhinji vanyorese pachikamu chepiri, ZEC inofanirwa kubvisa nyaya yematsamba aya.

Munyori wezvesarudzo muPeople’s Democratic Party, Va Harrison Mudzuri, vatenderanawo nevamwe vavo vachiti dai zvatoitwa mangwana chaiwo.

Musangano uyu wanga wakarongwa neZimRights pamwe ne Election Resource Center, uine chinangwa chekuzeya zviri kunetsa veruzhinji munyaya dzekunyoresa kuvhota.

Chikamu chechipri muMasvingo, sezviri kuitika mumamwe matunhu, chinotanga musi wa 29 Gumiguru chichipera musi wa 9 Mbudzi.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG