Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Voyambira Kurangwa kweVanoburitsa Mari Munyika Zviri Kunze kweMutemo


ZITF 2019 Day 1
ZITF 2019 Day 1

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti hurumende ichatora matanho akasimba kune vemabhizimisi nevamwe vanhuwo vanobudisa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Vachitaura pamusangano weZimbabwe International Business Conference muBulawayo, VaChiwenga vati hurumende inoziva kuti kune vamwe vemabhizimisi nevamwe vanhuwo zvavo vari kuita zveumenemene, kana hutsotsi, vachibudisa mari yekunze munyika vachiendesa kune dzimwe nyika.

Vati kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko akasiyana siyana, matambudziko aya anogona kupera kana vanhu vakaita maonera pamwe vachitiwo hurumende ichatora matanho akasimba avasina kutaura kune vanhu vari kubudisa mari kunze zvisiri pamutemo.

VaChiwenga vashorawo vemabhizimisi vachiti vari kukwidza mitengo yezvhinhu pasina zvikonzero zvinonzwisisika vakati havawone paine chikonzero chekuita izvi sezvo huruemende yakatora matanho ekuti vawane mari yekunze nekuunza mutemo unoita kuti mabhanga atengese mari iyi pachena.

Mutevedzeri wegurukota rezvekubudiswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vaudza Studio7 kuti zvataurwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika ichokwadi vachiti kune vemabhizimisi nevamwe vanhuwo vari kuita hunhubu hwekubudisa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachibvumirana nezvataurwa naVaChiwenga, vemaindasitiri nemabhizimisi vari kurambavakatarisana nematambudziko akasiyana siyana ari kuita kuti vazopedzisira vakwidza mitengo.

Pazvimwezve zvataurwa naVaChiwenga zvekuti kushaikwa kwemari yekunze munyika kunowedzerwawo nekuda kwekuti vanhu vemuZimbabwe vanonyanya kuda kutenga zvinhu zvekunze, Commissioner General veZimbabwe Revenue Authority, Amai Faith Mazani,vaudza Studio7 kuti bazi ravo hapana zvaringaita kumisa vanhu kuti vatenge zvinhu zvekunze.

Vati ZIMRA inoshandisa mitemo iripo kuwona kuti vanhu vaunza zvinhu munyika zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, avo vataurawo pamusangano uyu vatsinhira kushushikana kwaVaChiwenga pakuveko kwemusika mutema wemari yekunze.

Professor Ncube vati kubvira VaMnangagwa pavakapinda pachigaro, hurumende iri kukwanisa kushandisa mari zvine mwero isingazokwereti kumabhangi vachiti nekudaro zvinhu munyika zvinofanirwa kuve zvave kugadzikana mune zvehupfumi.

Professor Ncube vatiwo chimwe chinhu chakakosha pakuvandudza hupfumi hwenyika kuteverera gwara remitemo yenyika vakati hurumende iri mushishi kugadzirisa mitemo yakasiyana-siyana kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika izvo vati zvichabatsirawo kuvandudza hupfumi hwenyika.

Asi mudzidzisi wezvehupfumi paUniversity of Zimbabwe, VaAlbert Mukochekanwa, vaudza Studio7 kuti dambudziko guru rinoita kuti nyika isabudirira inyaya yekuti zvirongwa zvakawanda zvinogumira pakutaura chete.

Musangano weZimbabwe Internantional Business Conference unoitwa kumucheto kwegungano reZITF gore rega rega uye musangano uyu wakatanga kuitwa muna 2006.

ZITF yegore rino iri kuvhurwa zviri pamutemo nemutungamiri weUganda, VaYoweri Museveni.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG