Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanotosvorana neMDC-T muHouse of Assembly


Retired general Constantino Chiwenga at the State House for swearing in as one of two Zimbabwe's vice presidents, Harare, Dec. 28, 2017.
Retired general Constantino Chiwenga at the State House for swearing in as one of two Zimbabwe's vice presidents, Harare, Dec. 28, 2017.

Mudare re National Assembly mamboita nyonga nyonga mushure mekunge nhengo dzebato rinopikisa reMDC dzapopota dzichiratidza kusafara nemhinduro dzange dziri kupihwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Guvheya Chiwenga, avo vanga vachiti nhengo idzi dzakaenda kunyika dzakaita seAmerica kunokumbira kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi.

Nhengo dzebato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzaratidza kutsutsuma kukuru nemhinduro dzange dziri kupihwa naVaChiwenga mudare.

Nyaya yatanga apo VaTshinga Dube veZanu PF vabvunza kuti hurumende iri kutora matanho api kuchengetedza vakarwira hondo yerusununguko.

VaChiwenga vapindura vachiti kunyange hazvo hurumende iri kugadzirisa nyaya iyi, VaDube vaifanira kunge vakagadzirisa nyaya iyi sezvo vaive gurukota rezvevakarwa hondo yerusununguko munguva pfupi yapfuura.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vazowedzera mubvunzo uyu vachiti sei hurumende iri kutora makore akawanda ichiedza kuchengetedza magamba ayo sezvinoitwa nedzimwe nyika.

Asi pachinhambo chekupindura mubvunzo, VaChiwenga vabva vatanga kutaura zvezvirango zvehupfumi izvo zvatsamwisa nhengo dzebato rinopikisa.

Nhengo idzi dzati maitiro aVa Chiwenga haafmbirani nemitemo yeparamende uye vazonzi vasataure mashoko aya zvakare nemutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda.

Munyori wesangano revatori venhau dzeparamende, reZimbabwe Parliamentary Journalists Forum, VaDaniel Chigundu, vaudza Studio7 kuti mauriro aVa Chiwenga haana kufadza nhengo dzebato ripikisa idzo dzati VaChiwenga semunhu aiva musoja matauriro avaita aita sekunge vange vachityityidzira vanhu.

Musi weChitatu chega chega vatevdzeri vemutungamiri wenyika nemakurukota ehurumende vanosungirwa kuenda kuNational Assembly kunopindura mibvunzo kubva kunhengo dzedare iri.

Nemusi weChina vanosungirwa zvakare kunoita zvimwezvo kudare reseneti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG