Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyambirwa Kuvhotera Vanhu Vanoziva Zvavanoita Musarudzo Dzichaitwa Muna Kurume


VaPrecious Shumba

Mamwe masangano anomirira vagari vemuHarare ari kukururidzira veruzhinji kuti vasarudze vatungamiriri vanogona basa pamwe nekuita zvido zvavo musarudzo dzema-By-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume.

Mumashoko avo kuvatori venhau mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagari vemuguta vanofanira kukoshesa sarudzo idzi dzichaitwa musi wa26 Kurume vovhotera vanhu vane ruzivo rwekuita basa nemazvo zvisinei kuti vanobva kubato ripi.

Vati sarudzo dza2018 dzakaratidza pachane kuti vamwe vakavhoterwa havana ruzivo rwezvinotarisirwa kuitwa nakanzura.

VaShumba vati mamwe makanzura anotadza kana kuita misangano nevagari vakati vanhu vakadai havafaniri kutombosarudzwa.

Vati mumaWard mazhinji makumi masere nemamomwe ari muHarare, Ruwa neChitungwiza, basa harisi kufambiswa zvakanaka.

Makanzura ese akadzingwa basa aibva kubato guru rinopikisa reMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

VaShumba vati pane vamwe vakadzingwa basa vanokodzera kudzokera pazvigaro zvavo sezvo vaigona basa ravo.

Sachigaro wesangano reHarare Metropolitan Residence Forum, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzemaby-epection dzinopa vagari mukana wekusarudza vamiriri vavanoda.

MDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa yakaita chisungo chekupa vese vakadzingwa mukana wekuti vapinde zvakare kuti vapese basa ravakasiya.

Munyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti vari kutsigira nhengo dzavo dzese dzakadzingwa basa zvisina tsarukano neMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora.

Vatiwo zvinofadza chose kuti danho rebato ravo riri kutambirwa nemufaro neveruzhinji.

Vaive kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore, avo vakadzingwa, vati vakaramba vachishandira vanhu munzvimbo yavo uye vanofara kuti vanhu vakagadzirira kuvhota muWard mavo.

Tabvunza VaNgadziore kuti havatyi kudzingwa zvekare here vakati havafungi kuti zvichaitika zvekare nekuti bato ravo rakagadzirira rwendo runo.

MDC – T yakatozivisa kuti ichakwikwidza sarudzo ichishandisa zita kuti MDC Alliance.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscillah Chigumba vakaudza Studio7 mukupera kwesvondo kuti zvekunetserana mazita pamapato ezvematongerwo enyika hazvisi zvinhu zvitsva sezvo zvakamboitika pakapatsanurana MDC pachibuda mamwe mapato akaita seMDC-T, MDC-N uye zvakamboitikawo panyaya yeZanu-Ndonga neZanu-PF.

Vakati makakava akadai anopedzwa neElectoral Court, sezvo risiri basa reZec.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG