Bazi rezvehutano rinoti vanhu mazana masere nemakumi maviri, kana kuti 820, vakabatwa neCovid-19 neMuvhuro, vamwe makumi maviri nemumwe, kana kuti 21 vachifa, izvo zvasiya vanhu vanosvika zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe, kana kuti 22 297, vabatwa nechirwere ichi nyika yose.
Vanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevasere, kana kuti 528 vakafa nechirwere ichi nyika yose kubva pachatanga kusvika Muvhuro manheru.
Vese mazana masere nemakumi maviri vakabatwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika vasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.
Dunhu reHarare ndiro rakatungamira kwese, kuvanhu vakabatwa vaine chirwere avo vanosvika mazana matatu nemakumi masere nevashanu, kana kuti 385, pamwe nevanhu vakafa, avo vanosvika gumi nevaviri, (12), richiteverwa nedunhu reMashonaland East, iro rine vanhu zana nemakumi matatu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi.
Huwandu hwevanhu vapona kubva kuCovid-19 hwasvikawo pazviuru gumi nezvitatu nemazana maviri ane gumi nevatatu, kana kuti 13213, mushure mekupora kwevanhu mazana matanhatu nemakumi matatu nemumwe neMuvhuro wakare.
Imwe nyanzvi mune zvehutano, uye vari chiremba vari kuNorth Carolina muno muAmerica, Doctor Simbiso Ranga, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubatwa nechirwere ichi, zvikuru kumaruwa, munongedzo wekuti veruzhinji vanofanirwa kusimba mukudzivirira kupararira kweCovid-19, kwete kungomirira hurumende chete.
Dr. Ranga vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachigeza maoko, kupfeka zvinovhara miromo nemhino, uye kusaenda panounganwa, pangave parufu, kumisangano kana kumachechi.
Hurumende yakadzika mutemo unorambidza vanhu kufambafamba kana kuti National Lockdown Level 4, senzira yekuedza kuderedza kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.
Zvichakadaro, hurumende yeBritain yazivisa kuti yakadzika mutemo unomborambidza vashanyi vanobva kuZimbabwe pamwe nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica kupinda muBriitain senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mumiriri weBritain kuZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vakazivisa nezvedanho iri nezuro kuburikidza nemashoko avakaburitsa paTwiiter, vachiti mutemo uyu vaitanga kusnanda musi wa 09 Ndira, unove Mugovera wadarika.
Amai Robinson vakatiwo vanenge vaine zvavanoda kunzwisisa vabate muzinda wavo uri muHarare.
Facebook Forum